O-LEVEL — NDINOFA NDAEDZA: Ishe Machingauta ane rufaro

28 Nov, 2014 - 09:11 0 Views

Kwayedza

CHITSAUKO 11 (Nyaya Yacho: Enderero mberi)
CHINONYANYOFARIRWA naShe Machingauta ndechekuti Chigange ainge ati akasiya asina kuparadza musha wose waShe Chokupamba. Mambo anotenda varwi nebasa ravaita achiti murwi anoziva kurwa haati kana akunda oparadza zvose asi kuti anosiya vose vanenge vabatwa kuti vanotangawo hwavo upenyu asingavaiti varanda avo iye Ishe asina. Achazovashevedza kumabiko ake kana achiri mupenyu. Revai mukuru wavo achavagovera mumwe nemumwe mhou kana tsiru yekuti anozvichengeterawo.

Mauto anofadzwa nezvataurwa namambo ndokushevedzera kuti Revai ave nerugare nekusingaperi, vachipemberera vachiimba rwiyo rwavo rwehondo mumafaro izvo zvinofadza Ishe naRevai vachiyeva mauto avo.

Ongororo :

Nyaudzosingwi tinonakidzwa nekushandiswa kwadzinoitwa papeji 115 zvekuti tinobva tanyatsa kuona maitikiro ezvinhu sekunge tiri kuona mifananidzo yemuchivhitivhiti zvinonzi “Zvichingunodaro Chokupamba akabva ati kwarakwashe, ndiye verere nemukati memauto ake ayo akanga otsikana vasisazive kwekuenda kana nechekuita. Vose vakati warara nezvivanze ndiye rove-rove musango, rumwe ruchisiya mapfumo mumashure” tinozonzwazve zvonzi, “ . . . Vashanu ndivo vakaita munyama ndokunzi zete nemiseve, ndiye ndonye muvhu vachigomera nemarwadzo.” Sekerambabvu iri pakati nepakati (mild sarcasm) tinoiona ichishandiswa. Munyori ari kuita sekuseka varwi vaShe Chokupamba asi ari kuratidza chokwadi chekusaziva kwavo kurwa. Tinonzwa munyori achiti, “Chavo vaiziva kuvhima nekupamba zvipfuwo zvevabvakure, vatorwa chete”, (115).

Tinoona kushandiswa kwechirirachinhu (symbolism). Tinonzwa Ishe Machingauta vachitaura nezve“Tsvimbo ne”pfumo” papeji 118: tinonzwa Ishe achiti, “Tsvimbo ndiyo inokudzwa kana ukatonga wakaibata, kwete zvemapfumo nemiseve izvi”. Tsvimbo chimirira chinhu cheutongi hwakanaka, pfumo richimirira kuparadza kana kuuraya. Maererano netsika nemaitiro evanhu, tinodzidza zvakati o. Tinobva tadzidza kuti Tiritose aive murume aigona kuriritira mhuri yake apo tinonzwa zvichinzi, “Akati nde-e kutarisa mauto ake, ndokufunga kuti zvipfuwo zvose zvakange zvawanda kudaro zvaakasiyirwa naTiritose, zvoenda hazvo here? (109). Panguva imwe chete tinobva tadzidza kuti chokwadi Chokupamba ane makaro zvinobva zvatsigirwa nemanzwi anotevera anoti, “Akadedera nehavi yamakaro ezvisiri zvake.” (109).

Izvi zvinobva zvasiyaniswa naIshe Machingauta uyo atinonzwa omene achiti, “Ndinoda kuti pamwe nechirwirangwe chagara chiri pano, zvirambe zvakadaro nhaika? (117). Hutongi hwake hune nduramo nekuti anozvitaura achiti “Ini zvemakuhwa handidi”, (118). Tinonzwa Chigange achiti maererano navo Ishe Machingauta, “Chandinoziva ndechekuti Ishe Machingauta vanonzwisisa zvekuti hapana mumwe ane moyo unenge wavo”, (116) kana ari iye Chigange tinodzidza kuti zvekuhondo izvi anozviziva sezvo achiti, “Ndagara nehondo ini”, (117). Kana dziri tsumo idzi tinoona dziri shoma zvachose, yatinotanga kusangana nayo inoratidza munyorero wemunyori inoti, “Samutume haana mbonje”, (108) dzinokurumidza kuuya mumusoro memuvengi ndedzokuti: “Mutumwa haana mbonje” neye kuti “Mutumwa haana mhosva”. Chigange mutakuri weshoko raatumwa naro nekudaro hapana mhosva yaapara haafaniri kurwiswa nekuti haasiri muridzi weshoko racho.

Kusara kwakaita Ishe chokupamba neupfumi hwaTiritose akahutora ndokuuita hwake kwava kuita zvaanoda nahwo. Chinhu chinenge chisiri chako hachina chivimbo nekuti hauzivi kuti muridzi wacho achazouya kuzochitora rini saka zvichinzi “ . . . Kuapakata handiko kuakanda mapfumo” (109) kana kuti inonyanyozivikanwa yekuti “kunzi dzipakate, handi kunzi dziridze”.

(Enderero mberi svondo rinouya)

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey