O-LEVEL — NDINOFA NDAEDZA: Revai anokanda shoko rerudo kuna Ruramai

26 Sep, 2014 - 09:09 0 Views

Kwayedza

CHITSAUKO 8 (Ongororo: Enderero mberi)
Kuzotiwo vari VaMufarinya vainge vane mahwinya ekuchembera izvo zvinonzi vakanga vasakara “seganda renzou risingaonekwi kuti imhuru kana huru yacho”. Ganda ravo raive neutema rakasviba” waiti ibungumuridzo riri pachuru chevhu jena” (87). Mudzimai uyu chaifadza paari ndechekuti vaive nemwoyochena “unenge wetsoro inoratidza muvhimi ane nzara pane uchi” (88). Kudimikira tinokuonawo kuchishandiswa. Mukuberekwa kwaitwa vana vemumhuri yaIshe Machingauta, ambuya vakuru vaRevai vanongozvara vasikana kwozotiwo mukomana mumwe chete “zai regondo”(80). Mambo vanopa pfungwa dzavo maererano neushe. Havadi zvekuti vanhu vatange vaurayana kana kuti “zvekutanga mapfumo atsvuka ropa” Maererano naVaMativava tinotaurirwa kuti “vaive munhu asina hanya nemumwe munhu” (87) uyewo pamusoro pezvo “Hasha neutsinye paive pamusha padzo” (87).

Izvi zvinosiyaniswa naVaMufarinya vainge vane mwoyochena unonyongodesa mutobvu. Zvinonzi “vakanga vasina shungu kana kamedu zvako panyaya dzeshanje” (88).

CHITSAUKO 9 (Nyaya yacho)
Mushure mevhiki rimwe chete Revai anofunga zvekuenda kuna mbuya vake VaMufarinya aine chinangwa chekuda kuziva mhandara yakarurama ine tsika dzinokudzwa ichibata yaikodzera kuzove mudzimai wamambo. Anosvika ndokuwana mbuya vake vachikuya dovi vachiimba karwiyo kavaidisa chaizvo. Ambuya wake vanokungura kuti deno akanga akaroora vangadai vawana mhandara inovakuyira dovi iye ndokuita hake zvejee achiti vanoti zvekuroora kunonetsa here. Mbuya vanoti anozivei nezvekuroora iye mwana mucheche achakadai iye ndokupawo pfungwa dzake achiti mudzimba dzakawanda hamuna rudo nekuti vanhu vacho vanogara vakatsamwisana.

Mbuya vanomubvunza kuti ndeupi waanga awanawo akajeka, iye ndokuti vamukurumidzira asati auya nezano rake. Pane mhandara yekwa Tarusenga yainge yamubaya moyo.

Mbuya wanoti vainge vagara vazviona kare kuti shasha yainge yava kugara yakatsvinda mazuva iwayo, zvainge zvauya sei. Zvaasarudza waanoda zvakangonaka. Ivo vachafambira nyaya yaRevai kusvika kumagumo kwayo.

Panozorongwa rimwe zuva kuti Revai naRuramai vaonane kumba kwaambuya vaRevai. Revai anokanda shoko rorudo iro rinogamuchirwa naRuramai izvo zvinobva zvanyautsa hana yaRevai zvekuti akashaya chokureva ndokuzotsidza kwaari kuti anoda kumuroora vagare vose.

Kunopera nguva yakareba Revai naRuramai vachidanana zvine mukurumbira. Vaya veshanje vakamboedza kupfudzira asi hapana zvazvakabura. Panonaka zvinhu hapashaikwi ane mwoyo wakasviba. Matinyanya shasha yemakuhwa yakakusha rokuti Ruramai akange akasiyirwa gona rekuroya naambuaya wake.

(Enderero mberi svondo rinouya.)

Share This:

Sponsored Links