Uncategorized

obuda majuru nemasvosve achifamba

21 Jul, 2017 - 00:07 0 Views
obuda majuru nemasvosve achifamba Joseph Mwale

Kwayedza

  • ‘Ndakagadzirwa nemudzimai wangu’

Kingstone Mapupu —
MURUME wekuGuruve, kuMashonaland Central, asi achigara kuUnit N kuChitungwiza, ane dambudziko rake oga — anoti ari kutevera nekusikarudzi yake sezvinoita vanhukadzi.

Kunze kwaizvozvo, murume uyu anoti anoburitsa zvipukanana zvipenyu zvinosanganisira majuru, ishwa, masvosve emashingishingi nehonye dzakafanana neminyongorosi pakurasa weti.

Joseph Mwale (40) — uyo kumusha anobva kwaMudhindo — anoti akwanisa mwedzi aine dambudziko iri, iro raanoti rakakonzerwa nemudzimai wake Shiellah Mahari (33), uyo akamugadzira kun’anga panguva yaaiita chipfambi.

Mwale nemudzimai wake

“Ndinojuja ropa zhinji nekusikarudzi yangu, kana zvakakwidza rinogona kuzara bhodhoro rechinwiwa diki. Zvakare ndinobuda masvosve emhando dzakasiyana, ishwa nehonye kana kuti nyongorosi dzinobuda apo ndinoita weti. Zvinotooneka zvichifamba kana ndapedza,” anodaro Mwale, achiratidza Kwayedza ropa raitobuda nekusikarudzi yake.

Anoti aperezeka muviri nekubuda ropa uku.

“Pandakatanga kubuda ropa, ndakambonyara kuudza mudzimai wangu kusvikira ndakazomutaurira ndikamuratidza ropa richitobuda iye akanyepera kushamisika,” anodaro.

Murume uyu anoti mudzimai wake, uyo waagara naye kwemakore 15 ndokuita naye vana 4, akazomutaurira kuti vaende kwasekuru vake kuti vanobatsirwa.

“Pandakaudza mukadzi wangu, akazonditaurira kuti tiende kwasekuru vake apo ndakabvuma semunhu aida kubatsirwa. Ndakafunga kuti taienda kwasekuru vake kuKuwadzana asi akandiendesa kumwe, uko ndaisaziva.

“Akasvikopinda neni kumba kweimwe n’anga uko akandidurira kuti ndiko kwaakanondisota.”

Mwale anoenderera mberi: “Sekuru n’anga ava vakabvuma kuti ndivo vakandigadzira vachiti mukadzi wangu akaenda kwavari kaviri achichema-chema nenyaya yangu yegumbo mumba gumbo kunze.”

Mwale anoti aisabvira munyaya dzemadhirezi asi zvino akaregera.

“Sekuru ava vakanditi ndikumbire ruregerero kumudzimai wangu nekusvipira pasi mabasa echipfambi izvo ndakaita. Mukadzi wangu akasvitsa nyaya iyi kuhanzvadzi dzake vakanditi ndinofanirwa kumuripa nemombe, iyo ndichamupa pazororo raAugust taenda kumusha,” anodaro Mwale.

Mwale pari zvino ari kugara akaisa matishu, donje kana machira kusikarudzi yake senzira yekudzivirira ropa rinenge richibuda.

Munyori uno akakumurirwa bhurugwa naMwale akazvionera. “Ropa iri rinojuja zvekuzara muchipfeko chemukati nekubuda kunze izvo zvinoita kuti ndigare ndisina kupfunyira shati yangu kuti vanhu vasaone zvandiri.”

“Mukadzi wangu handimushore pane zvaakandiita izvi, ishungu neshanje nekuti mumarokwe ndaisabvirawo. Ndakaroora madzimai maviri — mugore ra2010 na2013 — asi mukadzi wangu mukuru achingoramba aripo,” anodaro. Mwale anoti nekuda kwechipfambi chake, aigara achirwisana nemudzimai zvikaita kuti atemwe nebhodhoro paziso rekurudyi nekuzopiswa nebota padumbu.

“Izvozvi kunyange ndichibatsirwa zvangu, ndinochinja donje kashanu pazuva richizara ropa ndichirasa. Yambiro yangu kune vamwe varume ndinoti ngatingwarirei nekuti vamwe vakadzi vanokuvadza. Patinobuda tichienda kubasa ivo vanosara vachienda kun’anga nekumaporofita isu tisipo,” anodaro.

Murume uyu — uyo anoita basa rekuveza — anoti haachakwanisa kushandira mhuri yake zvakanaka nekuda kwehurwere uhwu.

“Chimwe chave kunetsa ndechekuti ndinorwadziwa nemudumbu zvakanyanya. Muviri wangu unovavawo zvekuti ndinozvikuvadza kuita maronda nekukwenya. “Zvisinei nezviri kuitika kwandiri, mukadzi wangu ndinomuda, hapana kwaanoenda,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links