Ochekacheka hembe dzemukadzi nebanga

15 Dec, 2017 - 00:12 0 Views

Kwayedza

Lizzy Mushoriwa —
MUMWE mudzimai akaridza mhere mudare achiti haasisina hembe dzekupfeka sezvo murume wake achigara achidzibvarura nekudzicheka-cheka nebanga.

Melody Muzanenhamo akamhan’arira Richard Muzanenhamo kuHarare Civil Court. Melody anoudza mutongi wedare iri Larzin Ncube kuti: “Ishe wangu, ndinokumbirawo gwaro redziviriro nekuti baba ava vanondishungurudza zvakanyanya.

‘‘Ndinorohwa uye kutukwa zvinyadzi pamberi pevana. Ndinorohwa zvekuti mumwe musi ndakaponeswa nasekuru vangu vainge vashanya vakawana ndichizvambaradzwa, ndipo pandakazotiza.”

Anoti Richard ane tsika yekucheka hembe dzake nebanga zvekuti pari zvino haasisina chekupfeka.

“Vane tsika yekucheka hembe dzangu nebanga, mumwe musi vakatopisa dzimwe. Izvozvi handisisina chekupfeka, uye ndiri kugara ndega asi anouya achipwanya zvinhu zvangu ondimanikidza kuenda pabonde naye. Akatorawo mapepa angu ekuchikoro, ndatambura Ishe wangu,” anodaro Melody achihwihwidza kuchema.

Achipawo divi rake, Richard anopikisana nechikumbiro chemudzimai wake achiti nyaya yavanonetserana ndeyekuti anoita zve- zvikomba.

“Nyaya yatainetserana yaiva yezvikomba zvake, aionekwa nevanhu ari mumota dzevarume apa kumba kana kutsvaira mumba kana kusuka ndiro zvadzo hapana chaaiita.

“Ndakamubata ne- zvikomba kasingapere mukadzi uyu, kana achida gwaro redziviriro mupei henyu changamire,” anodaro Richard.

Mutongi Ncube akapa Melody gwaro redziviriro.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey