Uncategorized

Ochemera ‘overtime’ yemurume

17 Dec, 2014 - 08:12 0 Views

Kwayedza

Tatenda Moyo
VANHU vaive mudare vakakatyamadzwa apo mumwe mukadzi akati aida kuti murume wake awedzere mari yemendenenzi yaari kubvisa sezvo achishanda siku nesikati achiti ane mari yakawanda.

Loveness Makusha akamhan’arira Clever Sibanda kuHarare Civil Court.

“Patakambouya nenyaya ino pamberi pedare makange muri mugore ra2012 saka makore maviri aya zvinhu zvizhinji zvashanduka uye mitengo mizhinji yakakwira. Chekutanga ndechekuti mwana akura zvekuti ave kudawo zvechikuru kusanganisira zvekudya chaizvo. Chimwezve ndechekuti mari yaaimbobatirwa baba ivava yekuti atenge sitendi haichabatwi naizvozvo mari yave kuuya yakakwanirana. Ndizvo zvasaka ndidzoke mune rino dare ndichiti mari iwedzerwe kubva pa$60 kusvika $130 kuitira mwana,” akadaro Makusha.

“Baba vamunoona ivava vave kushanda siku nesikati kubvira munaChikunguru zvekutoti havana kana musi mumwe chete wavasina kumbosvetuka over-time kana kushanda usiku saka zvekuti havakwanisi kundipa mari yandavinga muno nhasi ndiwo manyepo omene. Pamusoro pezvo, mari yavaitambira yakawedzerwa kubva mu$470 kusvika mu$620 saka naizvozvo mari yavepo yekuchengeta mwana wake zvizere.”

Sibanda haana kupokana nemashoko aMakusha ekuwedzerwa mari kubasa asi akati ane vamwe vana nemukadzi naizvozvo vanodawo rubatsiro kubva kwaari.

“Vedare, mari iri kurehwa naamai vemwana wangu ava handiikwanise. Chikonzero ndechekuti ndine mukadzi nevana vana saka naizvozvo ndikaikamura ndichiti vana vangu vose vawane $130 pamwana seiri kudiwa naamai ivava kupera kwemwedzi woga-woga ndinenge nditori nechikwereti. Ini sababa handina basa nekuti mwana ndewe mukadzi upi,” akadaro.

Akati kushanda siku nesikati kwaaiita hachisi chido chake asi kuti zvaanoda kuita nemari zvakawanda.

“Kushanda nehusiku hachisi chido changu. Asingade kuzororawo ndiani? Asi kuti kutozama kuda kubhadhara mari yeco-operative nekuti vave kuda kutondibvisa muchirongwa chacho sezvo mwedzi yawanda ndichibhadhara mari isina kukwana ikoko. Manje amai ivava vachiona kushanda kwandiri kuita ndisingamiri vanenge vachiti zvinhu zvakaringana sezvo mari yacho vachifunga kuti ndiri kuda kuitambisa nekutenga zvisina maturo,” akadaro Sibanda.

Mutongi Tafadzwa Muvhami akati dare haritonge richitarisa mari yeover-time sezvo inogona kungomiswa chero zuva nekudaro Sibanda akanzi aizoramba achibhadhara $90 pamwedzi.

Share This:

Sponsored Links