Oda mendenenzi kumurume waagere naye

16 Sep, 2016 - 00:09 0 Views
Oda mendenenzi kumurume waagere naye

Kwayedza

Tafadzwa Mutsotso

MUMWE mukadzi akaendesa murume wake kudare redzimhosva achida $885 pamwedzi yekuchengeta vana vavo uye anoti anoda kuishandisa zvakasiyana kusanganisira kushanya kunzvimbo dzinoyevedza panguva yezororo rezvikoro.

Unice Tizoro akaudza mutongi wedare reHarare Civil Court, Babra Mateko, kuti murume wake, Lovemore Tizoro, haasi kuriritira mhuri achiti anotambira $1 000 pamwedzi.

“Ndinoda kuti baba ava vandipe $885 nekuti havasi kuda kuchengeta mhuri yavo. Kutaura kuno kumba kwatinogara kune echikwereti che$1 770. Ini ndinodzidzisa kukireshi, ndinongowana $150 chete iyo inoperera kufizi yemapatya edu ari kukireshi,” akadaro Unice.

Akati vane vamwe vana vari kuenda kuchikoro avo vanoda $150.

“Kumba kunoda $300 pamwedzi yerendi. Vana vanodawo kupfeka, kudya zvine utano uye kubvakachawo kunzvimbo dzakasiyana panguva dzezororo rezvikoro.

“Vana vanotombodzingwa kuchikoro ndichitozotsanzidza. Asi iye haatombozvifunge, apa ane garaji rekugadzira mota rinomupa mari zvisingaite,” akadaro Unice.

Lovemore akapikisa achiti anokwanisa kupa mukadzi wake $50 pamwedzi.

Akapawo chikonzero chekuti haana kusiyana nemukadzi wake uye vanogara vose.

“Mari iri kutaurwa nemukadzi uyu yakawandisa, handikwanise kumupa yose. Ndichiri kugara naye, chikafu, mari yerendi uye fizi yevana zvose ndini ndinoita. Saka handizive kuti mari yose iyoyo anenge achida kuishandisa chii? akadaro Lovemore.

Akaenderera mberi achiti: “Mari yerendi chero mukabvunza landlord vangu vanokuudzai kuti ndini ndinovapa. Chikwereti chaari kutaura haisiriyo mari yacho chaiyo asi ndakatobvumirana nemuridzi wemba kuti mari iyoyo ndichange ndichiibhadhara sei. Garaji raari kutaura harisi rangu.”

Mutongi Mateko akati vaviri ava vauye neumboo hwezvavaitaura mudare.

Share This:

Sponsored Links