Ofemerwa mugotsi neshamwarikadzi

24 Jul, 2014 - 10:07 0 Views
Ofemerwa mugotsi neshamwarikadzi

Kwayedza

Yvonne Chipato
NYAKUONESWA ndondo neshamwarikadzi yaakapa pamuviri, iyo inomutevera kubasa pamwe nekumba ichimutukirira, akazonopotera kudare.
Takaedza Mugota akamhan’arira Mirriam Mutukwa kuHarare Civil Court achiti amushaisa rugare kubasa zvose nekumba.

“Mukadzi uyu andishaisa rugare, handisisina kusununguka kubasa nekuti anouya achindituka nezvinonyadzisira pamberi pevakuru vebasa. Chero basa chairo ndinombomira ndichida kuedza kutaurirana naye zvakanaka.

Akasangana neni munzira chaimo anondituka zvisinei nekuti patinenge tiri pakamira sei kana kuti panaani.

“Anouya pamba pandinogara achitaura zvese zvaada achindikanganisa rugare rwangu nemhuri yangu. Chero mukadzi wangu haachina kugara neni zvakanaka nekuda kwekatsika kaari kuita kekuuya kuzopedzera shungu pamba pangu asi isu taiitira zvinhu zvedu musango.

“Vana vangu chaivo rukudzo kwandiri havachina nekuda kwemaitiro ake. Dai zvaibvira dare randibatsirawo kuti asapota achiuya kumba kwangu nekuti ndapfidza,” akadaro.

Mutukwa akaramba mhosva achiti aiteverera murume uyu nechikonzero chekuti akanga aine pamuviri pake naizvozvo kuenda kubasa nekumba yaiva nzira yekutsvaga pekumubatira sezvo ange ave kungomunzvenga.

“Waifunga kuti uri kuitei pawaitiza mukadzi wako wawakabvisira pfuma uchitsvaga kuzodziiswa neni sekunge iye asina ropa rinodziya? Manje dare haribvisi mimba chero ukandiunza kudare, ndiwe uchamuchengeta mwana wacho.

“Baba ava vanonyepa, zvose zvavari kutaura zvekuti ndinovatuka kwava kungohwanda nemunwe. Pandinoenda kubasa kwake ndinenge ndichida kumubvunza zvaari kuronga maererano nenhumbu yake yandinayo. Ava kuda kushandisa dare senzira yekutiza pamuviri pake pandinapo,” akadaro Mutukwa.

Mutukwa akaenderera mberi achiti: “Gwaro raari kuda iri kuda kuedza kuti ndisasvika pamba pake sezvo zvinozomunyadzisa pamberi pevana vake. Inini ndinoenda kumba kwake nekuti ndiko kwandinoziva, handingamuoneri musango.

“Dai achiri kuda kuuya kumba kwangu zvimwe ndaiti toipedzera kumba kwangu. Mwedzi mina yese yapfuura taigara tese asi nhasi ndava muvengi wake.”

Mutongi Barbra Masinire akati nyaya yavaviri ava idzoke mudare zvakare.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>