Uncategorized

Ofemeswa nebarika remapatya…-Ndinomurova muripo uyu -Haadarikwe nemarokwe uyu

30 Jan, 2015 - 00:01 0 Views
Ofemeswa nebarika remapatya…-Ndinomurova muripo uyu -Haadarikwe nemarokwe uyu DAVISON Dongo aine madzimai ake mapatya Tendai (kuruboshwe) naCathrine Mashingaidze

Kwayedza

DAVISON Dongo aine madzimai ake mapatya Tendai (kuruboshwe) naCathrine Mashingaidze

DAVISON Dongo aine madzimai ake mapatya Tendai (kuruboshwe) naCathrine Mashingaidze

Kingstone Mapupu
MURUME wekwaChimombe, kuBuhera, uyo ane barika remadzimai maviri mapatya, aoneswa moto nevakadzi vake ava, avo vanonzi vanogara vachimurikita pamwe nekumushungurudza nedzimwe nzira. Davison Dongo (38), wemubhuku raMagwaza pedyo nenzvimbo yemabhizimisi yeChakotama, ane chipari chine musiyano chemadzimai mapatya.

Panzvimbo yekuti atapirirwe nebarika rake, Dongo anogara achikwapaidzwa kurohwa nezvibayamoyo zvake zvekuti musi wasvikirwa mhuri iyi nevatori venhau, murume uyu akapotsa aitwa kanyama-kanyama nemadzimai aya Kwayedza iripo.

Mapatya ari pachipari aya ndiCathrine Mashingaidze (29), uyo akatanga kuroorwa zvakare achitorwa sekuti ndiye mukuru sezvo zvichinzi ndiye akatanga kusunungukwa, naTendai Mashingaidze (29).

Zvisinei kuti murume uyu akaramba kuti anorohwa nevakadzi ava vachimukutsirana, akapotsa akwaturwa kurohwa Kwayedza iripo.
“Ndinomurova uyu muripo (vatori venhau), ane chikwereti changu chaasingade kubhadhara, akatora munin’ina wangu ndisingazive. Izvozvi vave kundiita benzi ndinofunga munin’ina wangu ane zvaanotaura nemurume zvakaipa pamusoro pangu,” akadaro Cathrine achisvasvamhira kuda kuzvambaradza Dongo.

Pamusha apa pakazoita zhowe-zhowe madzimai aya vave kuda kukutsirana kurova Dongo apo iyewo aitsika madziro achikunya mawoko ehembe achiti “hamumbondirova”.

Tendai akatsinhira kuti vanobatsirana nemupatya wake kurova murume wavo kana pachinge pamuka bongozozo.
“Chatinonetsana naye ndechekuti ane mumwe mukadzi waanogara naye kwaMurambinda, uyo anoita basa rekubvisa mimba dzemadzimai. Haagute vakadzi uyu (Dongo), ane vakadzi hobho.

“Takambomuvinga ikoko tikaita ‘noise’ naye nemukadzi uyu kusvikira tasvitsana kumapurisa tavawana vari musvo mumba. Kana achida ngaaunze vakadzi kana 10 pano tigare tose,” akadaro Tendai achitoganza Kwayedza iripo.

Dongo anonzi anombosungiswa nemadzimai aya, kusanganisira apo akanomhan’arirwa kuti aiva nepfuti iyo yakanowanikwa iri yeshiri.
Asi Dongo anoti haasi kufambidzana nemadzitezvara ake nekuda kwenyaya yekuti akatora mapatya aya kuvaita madzimai anova mashoko akatsinhirwa nevakadzi vaviri ava.

“Baba naamai vedu havachada kutiona nekuda kwemagariro edu aya. Tendai akanditevera kuzondishaisa mufaro pano pamurume wandakatsvaga ndoga,” akadaro Cathrine.

Imwe nyaya inonetsa ndeyekuti kunze kwekurova murume wavo, madzimai maviri aya anomborwisana pachawo apo Tendai anonzi anozvambaradza Cathrine.

“Ndinomukurira simba Cathrine, saka ndinomurova nekuti anotaurisa, ini zvekutaura handigone,” akadaro Tendai.
Asi kana pari pakurova Dongo, mapatya aya anenge ava kudivi rimwe chete, mhandu yavo yava imwe chete — Dongo.

Zvisinei, mapatya aya anoti Dongo haavachengete uye vanorarama nekuita maricho kuminda yevanhu nemamwe mabasa akasiyana. “Tinopimirwa ndima nevanhu dzekusakura. Nekuda kuti tipihwe kudya tinononoka kushanda kuti titange tapihwa chikafu tozobva kwatinenge tichiita maricho tadya. Tinotambura nevana murume uyu achinodya mari nevamwe vakadzi,” akadaro Cathrine.

Mapatya aya anoti zvakare rimwe dambudziko nderokuti havagutswe nemurume wavo mumba yekurara uyo wavanoti chidhakwa chemakoko.
“Anotipa mazuva maviri pamudzimai sechijana chedu. Asi dzimwe nguva anogona kuuya kwako achiti akaneta kana kurara zvake achiridza redhiyo akagara pavharanda remba yemumwe mudzimai waakarambana naye. Munhu ungagare uine shungu dzemurume iwe uinaye mumba?” akadaro Tendai.

Vakadzi ava vane dzimba dzekurara yake yake. Cathrine akatsinhira nyaya iyi zvisinei kuti akati ane shungu nemunin’ina wake uyo waanoti dzimwe nguva anopindira apo anenge achitukwa nemurume.

“Murume uyu anoita seakandinhonga murodhi, haandiremekedzewo. Izvozvi mbatya pano hatina tose nevana,” akadaro.
Dongo anonzi akamboroora mamwe madzimai masere achirambana navo. Murume uyu akazoroora Cathrine mugore ra2008, Tendai ndokutevera muna 2009.

Dongo anoti dambudziko rake rakatanga apo aiva achiri kuzama “kuraura moyo” waCatherine semusikana nemukomana apo dzimwe nguva aiguma odanana naTendai nechikonzero chokuti aisaziva musiyano wemapatya akafanana aya.

“Cathrine aishanda kumugodhi weShava apo takadanana, asi dambudziko rangu raiva rekupesanisa vakadzi ava. Ndaiti ndikaona uno ndotaura zverudo, ndikazoona mumwe wacho nekusaziva ndotaura zvimwe chete. “Uyuwo Tendai aisandibudira pachena kuti haasi Catherine uyo wandakatanga naye,” anodaro Dongo. Anoti nekufamba kwenguva akazotorana naCathrine ndokubva abata pamuviri.

“Takagara kusvikira Cathrine ava kuda kusununguka, nhumbu yava nemwedzi misere, apo ndakanotora Tendai kuti abatsire mumwe wake ndokubva tadanana zvakare,” akadaro Dongo. Anoti vakawirirana naCatherine kuti atore mupatya wake semudzimai wechipiri.
Dongo anoti akabvisira pfuma Cathrine asi pana Tendai hapana chaati aendesa kumadzitezvara ake.

Cathrine ane vana vaviri uyuwo Tendai ane mumwe chete.
Cathrine anoti anoda kuti aripwe nemurume uyu nekuda kwekumutorera kwaakaita Tendai kuti azoita nyachide pabarika.
Panyaya yekutadza kugutsa madzimai ake, Dongo akati pane nguva zvechokwadi yaanouya akadhakwa apo anenge akaneta.
“Mazuva maviri pamunhu pamwe unouyawo wakaneta,” akadaro.

Ipapo Cathrine naTendai vakabva vaita ruzha vachiti murume wavo ainyepa.
Paakabvunzwa kuti aizoita sei kana madzimai aya akazotanga kuita zvegumbo-mumba gumbo-panze, Dongo akati haana basa nazvo uye “anenge ada kutsvaga mumwe murume ngaaite sekuda kwake”.

Dongo anoti zvisinei nematambudziko ayo anosangana nawo, haana pfungwa dzekutiza mhuri.
“Ndine vanhu vakawanda vandinozivana navo vanoshandira kunze (kwenyika) avo vanonditi tiende tese asi ini nekufunga mhuri yangu hazvikwanisike. Ndine shunguwo dzekuti mhuri yangu idye ichiguta,” akadaro Dongo.

Gore rino, Dongo nemadzimai ake vanoti havana kurima minda yavo nekushaya mari uyewo nekuti havana mombe. “Izvozvi hatina chekurimisa pano, vabereki vedu vaimbotirimira asi zvino vakarega, havachada,” akadaro Cathrine.

Huwandu chaihwo hwevana vakaitwa naDongo nemadzimai akasiyana hauna kuzivikanwa zvisinei kuti iye anoti vanodarika gumi.
Vabereki vemapatya aya vanoti VaArtwell Mashingaidze naMai Fungai Nerwande havana kukwaniswa kutaurwa navo pakashanyirwa nzvimbo iyi svondo rapera.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey