Okorokotedza President

15 Dec, 2017 - 00:12 0 Views
Okorokotedza President

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
MUIMBI wekuZishavane, Admire Sanyanga Sibanda (30) – uyo anonyanyozivikanwa nezita rekuti Chief Shumba – akabura rwiyo rwekukorokotedza mutungamiriri wenyika President Emmerson Mnangagwa nekusarudzwa kwavakaitwa nebato riri kutonga reZanu-PF kuti vatore chigaro ichi.

Chief Shumba anoti akaona zvakakosha kuti akorokotedze mutungamiriri wenyika nekuimba achishandisa chidawo chavo chemutupo weShumba.

Anoti rwiyo urwu rwunonzi “Ishumba Iyo” uye CD racho richapihwa pachena kune veruzhinji.

Muchinda uyu ane madambarefu aakabura kare anoti “Hwenje Tiri Musango”, “Shumba Cherry”, “Wedenga” na”Chembere Ine Mhanza”.

“Patakauya kuHarare nguva yadarika pakugadzwa kwaCde Mnangangwa semutungamiriri wenyika, taingoona vanhu vachingosimudza zvigadzirwa zvegarwe kana mbatya dzine garwe. Saka ndakaona kuti ndikowo kutambirwa kwavanoitwa kuno asi kwedu kumusha kuZvishavane tinovata- mbira nechidawo chemutupo weShumba. Ndiko kusaka murwiyo rwangu urwu ndichitsetsenura madetembero atinoita kana tichichingura Cde Mnangagwa pavanouya kumusha kana kuti patinosangana navo.

“Rwiyo urwu iyeuchidzo yemutupo wavo nokuti vamwe vangatofunga kuti vanoyera garwe, kwete iri izita remadunhurirwa asi riine mukurumbira,” anodaro.

Anoti kana munhu akarumbidzwa kuchishandiswa chidawo chake, zvinomupa rukudzo nemanyuku-nyuku.

“Sevanhu vatema, tinoumbwa netsika nemagariro edu uye pachivanhu hakuna chinhu chakakosha semutupo, ndiwo unobatanidza vanhu,” anodaro.

Chief Shumba anoti akamboimba nevamwe vaimbi vanosanganisira Allan Chimbetu, Shuga Shuga, Gift Amuli naTendai Chimombe.

Anotizve vaimbi vanoda rutsigiro rwakasimba mubasa ravo kuti vabudirire.

Share This:

Sponsored Links