Uncategorized

okumurwa hembe nezvidhoma … . . . kusiiwa achinge Zodwa

13 Oct, 2017 - 00:10 0 Views
okumurwa  hembe  nezvidhoma … . . . kusiiwa achinge Zodwa

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
MUKADZI wekwaMambo Chipuriro, kuGuruve, anoti atambiswa nhova nemanenji ari kuitika kwaari ekuti anongofugurwa kana kukururwa mbatya dzaanenge akapfeka, kusanganisira dzemukati, nezvidhoma — osiiwa asina chinhu, kuita kunge Zodwa.

Mhosva yacho: Hanzi bvuma kuenda nesu kunoroya, ukaramba bedzi hatikusiye.

Mukadzi uyu anoti haachaziva zvekuita nekuda kwezvidhoma zvechirume izvo zvaanoti zvinomubvisa mbatya zvichimuonerera pamadiro sezvo achisara asina chipfeko chemukati — kuita kunge Zodwa Wabantu, musikana wekuSouth Africa uyo aita mbiri nekusapfeka bhurugwa.

Paakaita hurukuro neKwayedza, mukadzi uyu — uyo anoti kana vana vake vari kutambwa imwe cheteyo nezvirume zvipfupi, zvine mazindebvu izvi — aiti ainge akapfeka mbatya, zvose nedzemukati, dzekukumbira. Kana murume wake anotsinhirawo mashura aya.

Nguva nenguva vanoti vanoita mahwekwe mumba mavo nezvivanhu zvipfupi-pfupi, zvine mazindebvu izvo zvinozongotsakatika “kana zvapedza nesu”.

Izvi zvinonzi zviri kuitika masikati kana husiku, munhu otongoona ashama zvisinei nekuti anenge ari kupi.

MBUYA-RABBY-TAGARA

Handi mbatya dzavakapfeka bedzi dzinongokururwa, asi kuti dzimwe dziri kutorwa mumabhegi kana muwodhuropu. Aya ndiwo mashura akatarisana naMai Zvanyadza Masvosva (35) nemurume wavo VaAlbert Mutsawu (40) avo vagere mubhuku rekwaTagara. Manenji aya anonzi ari kuitika pamusha pavo nekumba kuHarare.

“Mbatya dzamuri kuona ndakapfeka idzi ndatodzipihwa navamwene vangu, ini handisisina dzangu, zvose zvinongobvutwa — nezvemukati — ndosiiwa ndisina chinhu.”

Mai Masvosva vanovimba kuti kubuda pachena nedambudziko ravo kuchavaita kuti vawane vanovabatsira “nekuti ndanzwa”.

“Mbatya dzose zvadzo handisisina. Ndinobviswa ndobva ndatongodzishaya, kusara ndisina chinhu. Manapukeni emwana wedu mudiki chaiwo akaperawo kutorwa.

“Ini wacho ndinoitwa mukadzi nezvinhu izvi zvekuti kusikarudzi yangu kwave kugara kwakazvimba kuchishosha. Kana murume wangu handichamugutsa nekuda kwekuzvimba nekurwadziwa,” Mai Masvosva vanoudza Kwayedza.

VaMutsawu vanobva vatsinhira zvinotaurwa nemukadzi wavo: “Kutaura kuno vadzimai vangu kana chipfeko chemukati chaicho havasisina, zvapera kutorwa — vanongobviswa varere, vachifamba kana dai vagere zvavo pano pamba —votongoona vashama. Kana kuvana vedu nyaya yacho ndiyo ndiyo — vanongoona vasisina kupfeka.

“Ini kuHarare kwandinogara, ndinongoerekana ndawana mbatya muwondiropu nemagumbeze zvose pasisina. Pamwe pacho ndakangosiirwa bhachi chete.”

VaMutsawu, avo vanoti havasisina kana zano rekuita vanoenderera mberi: “Dambudziko iri rakatanga mumwedzi waChikunguru apo vadzimai vakandifonera vachiti vose nevana vainge varara vakapfeka, asi ndokufuma vakashama, vasina kupfeka kana zvipfeko zvemukati.

“Chakatanga kunyangarika zvipfeko zvemukati apo vadzimai vanoti vaimuka vasina kusimira uye vaine zviratidzo zvekuti vanenge vashinhwa nave.”

Vanoti mbatya dzavanokururwa vanobva vadzishaya zvachose. Sezvinonzi mashura ekukatanurwa mbatya nezvinhu izvi mashoma, VaMutsawu vanotizve mudzimai wavo ave kugara akazvimba kusikarudzi yake, pamwe zvichida nekuda kwekushereketwa naye.

“Mhuri yakatombotiza pamba vakaenda kunogara kumba kwaamai vangu nenyaya yekuti vanoona zvivanhu zvipfupi-pfupi zvakaita sezvimhuka zvichifamba mumba medu.”

Kana vari mumba, VaMutsawu vanoti zvinhu zvavanofungidzira kuti zvidhoma izvi zvinongovhura gonhi, ivo votanga kuona zvemadzengerere apo izvo zvinenge zvichiridza tsamwa nekuita mutsindo unenge wevanhu vari kumhanya — “amai vozongoona kuti vanenge vatopedzwa navo”.

“Zvinorova marata nemadhoo uchitonzwa kunge vanhu. Mamwe mazuva tinonzwa zvinhu izvi zvichitaura nekuseka zvichiti hazvimbofa zvakatisiya nekuti zvinoda kuti mukadzi wangu aende kunoroya nazvo.

“Pano patiri kugara patsva, takatiza kwataimbova mugore ra2011 mushure mekunge mwana wedu mukuru akangofuma akokonyara makumbo nemawoko, nanhasi chirema,” vanodaro VaMutsawu. Murume uyu anoti

rimwe zuva kune mhuka yakapinda mumba mavo husiku, iyo anofungidzira kuti ibere.

Vanoti mhuka iyi yakazongobuda nepamusiwo zvisinei nekuti paiva pakavharwa – “isu ndokufumoona matsimba”.

“Ini handichakwanisa kurara nemukadzi wangu, ava mudzimai wezvinhu izvi. Ava kugara aka- zvimba sikarudzi achingobuda zvinhu zvichena.

“Pazvinotaura zvinhu izvi zvinoti zvinoda kutipfidzisa, hanzi mukadzi wangu akaramba kuroya navo,” vanodaro VaMutsawu.

Vanoti pavanobvunza vanhu vanenge vachitaura ava kuti ndivana ani, zvinhu zvacho zvinobva zvaridza tsamwa. VaMutsawu vanotizve kwavari kufamba kuchivanhu vanoudzwa kuti zviri kuitwa nevavengi vehukama avo vane godo.

“Ndakashaikirwa nababa, amai vapenyu asi vazvitadzawo. Baba vangu vaiva nemadzimai manomwe tikaberekwa tiri vana 78. Pamusha pedu panonetsa zvekuti, uye mumba medu munofiwa pagore nevanhu vatatu kana vana zvekuti kwasara vana vari pasi pe20 kuvana vose. Vamwe vana havachasvika kumusha, vakatiza nekuti pane zvavanoonawo.”

VaMutsawu vanoti dambudziko remhuri yavo vakarisvitsa kwasabhuku wavo, VaDavillon Zinyimo, avo vanonzi vari kufamba mumusha wavo vachirova bembera kuti ari kuita izvi asiyane nazvo. Kwayedza haina kukwanisa kutaura nasabhuku ava payakasvika pamusha uyu.

“Kwakatorwa n’anga muno mumusha kukasimudzwa mumwe murume uyo akanotorerwa zibhegi kumba kwake kukabatwa zizi raive rakapfekedzwa pant, asi hazvina kutaurwa kuti zvinhu izvi zvaiva zvaani,” vanodaro.

Baba vemhuri iyi, VaJoseph Tagara, vakashaika mugore ra1989 uye vanonzi vaiva nezvitoro zviviri munharaunda yeGuruve. Kwayedza hainawo kukwanisa kutaura naamai vaVaMutsawu — Mbuya Fides Thembo — avo vakawanikwa vabvakacha. Maiguru vaVaMutsawu, Mbuya Rabby Tagara (72), vanoti vapererwawo nemazano nekuda kwe- zviri kuitika.

“Inyaya yatishamisa isu semhuri, kuti vanhu vanobviswa mbatya vakasvinura vachitadza kuzvipikisa?” vanodaro Mbuya Tagara.

SEKURU BONFACE KATERERE

Vachitaura nezvenyaya iyi, Sekuru Bonface Katerere veku- Uzumba, vanoti mhuri iyi iri kubirwa mbatya nezvidhoma.

“Izvi zvidhoma zviri kukurura vanhu ava mbatya. Mhuri iyi inoda kubatsirwa uye mudzimai uyo ari kushinhwa naye nezvidhoma izvi anodawo kukasikirwa,” vanodaro Sekuru Katerere.

Kune vanoda kubatsira mhuri iyi vanogona kuridza nhare panhamba dzinoti 0775 548 840 kana 0779 277 718.

Share This:

Sponsored Links