Okurudzira kudyarwa kwemiti munyika

06 Mar, 2015 - 00:03 0 Views
Okurudzira kudyarwa kwemiti munyika VACEPHAS Nyamavhuvhu

Kwayedza

VACEPHAS Nyamavhuvhu

VACEPHAS Nyamavhuvhu

Kingstone Mapupu
MURIMISI akasiya basa uyo ave pamudyandigere oshanda nevarimi kumatunhu akasiyana enyika achikurudzira chirongwa chekudyarwa kwemiti. VaCephas Nyamavhuvhu (57), avo vanogara kuNew Canaan kuHighfield, vanoti vave kushandisa ruzivo rwavo rwavakawana panguva yavaive murimisi mukubatsira varimi. “Ndakashanda kumakambani akasiyana emuno munyika ndiri murimisi ndokuzofunga zvekuzorora asi handina kuziva kuti kuzorora uku hapana sezvo ndakazopinda mubasa rinodarika iro ndaiita kare apo ndave kudyara nhondo dzemiti ndichitengesera varimi vakasiyana,” vakadaro VaNyamavhuvhu.

Vanoti vanodyara nhondo dzemiti yemuno neyekunze pamwe nemaruva emhando dzakasiyana.
“Handina miti yandisina inowanikwa muno nekunze sezvo ndichishandawo nevarimi vefodya avo vandinowanisa nhondo dzemiti yemapuranga nemimwe inokurumidza kukura kuti vazowana chekupisisa fodya mumakore mashoma ari kutevera senzira yekuchengetedza masango,” vakadaro.

Vanoti nedonzvo rekukurudzira kudyarwa kwemiti, vari kuenda kumisha yemadzishe akasiyana uko vanosvikodyara miti vachidzidzisa varimi zvakare.

“Mubasa iri tiri kushandawo pamwe chete nevanoona nezvekupfuiwa kwenyuchi veBee Keeping Association of Zimbabwe sezvo mimwe mikoko yenyuchi ichiiswa mumiti,” vakadaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>