Uncategorized

Omera sora, huswa. . . achibuda waya

20 Oct, 2017 - 00:10 0 Views
Omera sora, huswa. . . achibuda waya

Kwayedza

Cloudy Mombe ari kuKAROI —
MASHURA ari kuitika pamusikana wekuMagunje, kuHurungwe anopedza mate mukanwa — anomera sora nehuswa achibuda waya mumakumbo ake, umo munozodzidziuka mazironda anomurwadza zvikuru.

Mary Chitope (19) wemubhuku raMakota, kwaMambo Matau anonzi anobuda zvinhu zvinosanganisira waya nehuswa hwakaoma hunenge hwakareba 4cm mumakumbo, mushure ozoita mazironda.

Mhuri yaMary — iyo inogara kunzvimbo inozivikanwa nekuti Bhururuka — inoti yashaya zvekuita nemanenji ari kuitika pamwanasikana wavo.

VaInnocent Chitope (48), avo vanove baba vaMary, vanoti dambudziko remwanasikana wavo rakatanga mumwedzi waMbudzi 2014 apo akatanga kubuda huswa pagumbo.

“Mwana uyu akatanga kubuda huswa pagumbo musi wa17 Mbudzi 2014 apo akange aenda kuzvitoro zve- Zvipani, kuMagunje achinoona mukoma wake anonzi Nomsa Chitope. Ave kudzoka, achitoperekedzwa nemukoma wake, ndipo paakadonha akabaiwa nekahuswa kaakatadza kubvisa panguva iyoyo.

“Kwapera svondo, akazosvina painge pabaiwa paye sezvo paive poita hurwa, ndokubva patanga kubuda huswa hwakaoma hunoita sehwakatsva kumusoro kwahwo uye netuwaya tunenge tune shinda,” vanodaro.

VaChitope vanoti kubvira ipapo, Mary ava kugara achingobuda huswa newaya mumakumbo ake.
ONAI VHIDIYO PASI

Vanoti vaedza kufamba kumaporofita akasiyana nekuda kwedambudziko remwana wavo iri asi hazvisi kupera — huswa newaya zvinomboita sezvamira kubuda kwenguva pfupi, pashure zvotanga zvakare.

“Kun’anga handina kumbobvira ndaenda nekuti dzinoda mari sezvo mumwe akambotichaja $80 kozouya imwe yatakaona svondo rapera yaida $270. Ini handina kana kobiri sezvamunongoona ndiri chirema kubva mutsaona yemumugwagwa yandakaita makore 15 adarika,” vanodaro VaChitope.

Vanoenderera mberi: “Ndiri kuchemawo kumhuri yeZimbabwe kuti ndiwanewo rubatsiro rwemari yekuti ndikwanise kufamba nemwana wangu kana anokwanisa chete kuti dambudziko rina Mary ripere. Hazvinei kuti kuchechi kana kuti kun’anga, ndinongoda rubatsiro.”

Vanoti zviri kuitika pamwana wavo mabasa ekushereketa ari kukonzerwa nevavengi.

“Panotanga kubuda waya idzi, gumbo raMary rinotanga raita serazvimba nechekuseri kwaro, pobva pabuda huswa kana masora newaya inoita seyakamonererwa neshinda ine kamuromo kakaita setsono,” vanodaro VaChitope.

Vanoti chimwe chinovanetsa ndechekuti mwana wavo anogona kutanga kungomhanya achiita semunhu ari kurwisana nezvivanda kana kuti zvidhoma. Mary, uyo anove wechina mumhuri ine vana vanomwe — vakomana vatatu nevasikana vana — anoti anorwadziwa zvikuru nehuswa newaya zvinobuda mumakumbo ake.

“Ndinorwadziwa zvikuru panobuda huswa hunenge hwakareba 4cm uhu. Panguva iyi ndinotonzwa kudzimbwa zvekutadza kufamba.

“Huswa uhu hukabuda hwakaoma uye hwakatotsva kumusoro kwacho. Ndinohutora ndohuputira nejira, ndoisa munyu ndozopisa,” anodaro.

Mary anoti hapana zvaakaita zvingave zvichikonzera dambudziko raanaro iri.

Nomsa anoti anorwadziwa nezviri kusanganana nemunin’ina wake.

“Zvinondirwadza zviri kuitika kumunin’ina wangu, ndingada hangu kuti zvidzokere kumuridzi wazvo,” anodaro Nomsa.

Amai vake, Vunge Enoch (50), vanoti vashaya pekutangira nenyaya iyi.

“Dambudziko rina Mary mutoro chaiwo, unorema. Anobuda huswa nemasora pamakumbo uye pamwe anoita seanorohwa nezvinhu. Zvakandiomera, kudai ndawana rubatsiro rwunoita kuti mwana uyu ararame zvakanaka,” vanodaro. Sahwira wemhuri iyi, VaNorman Bakasa, vanoti chishuwo chavo ndechekuti Mary abatsirwe.

“Chekudya chaicho baba vacho havana, kana mombe dzekurimisa havana sezvo ari munhu anorarama nehurema. Tinokumbira kune vose vanogona kuvabatsira kuti vavayamure nekuti pari zvino mutoro wacho wavaremera,” vanodaro VaBakasa.

VaChitope vanotenda rubatsiro rwavari kuwana kubva kuna Mambo Matau, avo vakambogara naMary vachiedza kuti abatsirwe padambudziko rake.

Ivo Mambo Matau vanotiwo zviri kuitika pamusikana uyu zvine chekuita nemabasa ehuroyi.

Vanoda kubatsira Mary vanogona kuridza nhare dzinoti 0776 761 921 kana 0778 388400

Share This:

Sponsored Links