Uncategorized

onamira pamuporofita

28 Apr, 2017 - 00:04 0 Views
onamira pamuporofita

Kwayedza

 ‘Anoita kudarika murume wangu’

Owen Madondo   naKingstone Mapupu
“MURUME wangu namadzibaba ndinovada vose. Asi madzibaba anoita, ari pamberi.”

Izvi ndizvo zviri kutaurwa nemudzimai wemumwe murairidzi wepachikoro cheMakumbe Mission Visitation High School chiri kuDomboshava, uyo anodura kuti ari kuparika murume wake nemuporofita weJohane Masowe weChishanu.

Violet Choto (24), anova mudzimai waJeremiah Mutapiri (38), anoti ari kupengesana murudo naMadzibaba Ishmael King David Zindonda (24), uyo wanoti akatanga kudanana naye apo aienda achinoshandirwa kuti akwanise kuita mbereko sezvo achiti anobata mimba dzichibva.

Hupombwe hwaViolet namadzibaba uyu hwakatanga kufumurwa panhepfenyuro yeStar FM pachirongwa cheThe Bubbles chinoitwa naOwen Madondo, uyo anonyanya kuzivikanwa nekuti Ollah 7, chemusi weChina svondo rapera.

Violet anoratidza kuti anoda Zindonda kudarika murume wake sezvo achiti haaikwanise kusiyana naye achiti anomugonera.

“Takaroorana nemurume wangu mumwedzi waSeptember 2010. Ndakazoita boyfriend iyi mugore ra2015 munaNovember nekuti murume wangu haagone. Ndikamutaurira kuti hatiitei zvakati haadi, asi madzibaba ava vanogona saka handigone kuvasiya.

“Asi murume wangu ndinomuda. Namadzibaba tinoita tisina dziviriro, takatogumisira musi wa15 April wadarika mumba medu apo murume wangu aiva asipo,” anodaro Violet.

Anoti vari kuronga kutoita mwana nemupositori uyu uyewo pane nehurongwa hwekuti Zindonda atorese mudzimai uyu pasipoti, vaviri ava vozotiza vose kuenda kuSouth Africa uko kunonzi madzibaba uyu akatsvagirwa basa neshamwari dzake.

“Zvakatanga apo ndakaenda ndichida kunogadzirisa nyaya yembereko ndokubva ndaita mwedzi 6 ndichiendako. Ndakatanga ndapihwa nhamba dzemukoma wamadzibaba, apo vakazotanga kunditumira mashoko ekundida vachinditi ndakabatana uye murume wangu anodya namambo.

“Takabva tadanana kusvika izvozvi, zvose zvandinoita kumurume wangu ndinozviita futi namadzibaba pamwe pacho kutodarika. Ndave kutofunga kuti ndava nenhumbu yavo,” anodaro Violet.

Mudzimai uyu anoti ari parumananzombe kuti anoda murume wake zvose nechikomba, izvo zvamushaisa kuti orambana neupi.

Vanoziva nezvekupengesana kwaViolet nemuporofita uyu vane fungidziro yekuti anogona kunge akapihwa “muteuro” wava kumuita kuti apote achisiya murume wake achidanana namadzi baba uyu.

Nemusi weChipiri svondo rino, Violet aingonzi nemurume wake Mutapiri akabuda mumba akachena mangwanani achiti anokasika kudzoka, asi kusvika zuva radoka – Kwayedza iripo – ainge asati adzoka pamba.

Muhurukuro yaainge amboita neKwayedza svondo rapera, Violet anoti: “Murume wangu ndinomuda uyewo madzibaba ndovadawo nekuti vanondigonera. Ndave kufunga kuti dzimwe nguva panyaya yemwana murume wangu ndiye ane dambudziko, akagadzirwa kuti pamiviri papote pachibva. Saka ndakatsvaga madzibaba ava kuti vangondiitisa mwana.”

Violet anoti kunyangwe dai akapihwa pamuviri namadzibaba uyu, aisazofa akazvitaura kumurume wake.

“Madzibaba havasi kuputsa asi varipo kuvaka nekuti vanoda kuti ndiite mwana.”

Madzibaba Ishmael paakataurwa naye akatanga nekutsenga-tsenga mukanwa achiti anoshandira vanhu akawanda saka haazive Violet.

MADZIBABA ISHMAEL ZINDONDA

“Vanouya kuzoshandirwa vakawanda, saka handizive kuti zviri kutaurwa ndezvipi. Pari kutaurwa kuti ndakatanga kudanana naamai ava mugore ra2015 ndaisava muno, ndakazodzoka mugore ra2016. Nyaya yekuda kutoresa mukadzi uyu pasipoti handiizive, uku kuda kusvibiswa chete uye pane nyaya yakadai yakamboitika ikashaya basa,” anodaro Madzibaba Ishmael.

Zvisinei, mushure mekuratidzwa mufananidzo waViolet nekuudzwa nhamba dzenhare dzavanoshandisa pakutaura vari vaviri, Madzibaba Ishmael akazobvuma kuti mudzimai uyu anomuziva uye vanodanana.

Kwayedza ine mashoko apo Violet akamboedza kuramba muporofita uyu, asi Madzibaba Ishmael akaramba kurambwa.

Murume waViolet, Jeremiah Mutapiri, paakasvikirwa neKwayedza akarukutika muviri akawira pasi mumba make ndokuita chinguva achitadza kutaura achiita seafenda apo aibuda dikita.

Pava paya Mutapiri akazoti: “Nyaya yekuti mukadzi wangu anoita chipfambi ndakaitaurirwa nevanhu mugore ra2015 ndikazviramba. Pavanonzi vakapedzesera kuita madiro — musi wa15 April svondo rapera — ini ndakanga ndaenda kumusha kwaGutu kunokohwa. Zvakaoma varume.”

Anoti vaimboenda vose kwaMadzibaba Ishmael vachinzi vari kubatsirwa panyaya yembereko apo anoti mukadzi wake akagumisira ave kugara achiti ainorara kuchechi nguva nenguva.

“Muno mumba chaimo mukadzi wangu aigara achiti akaneta, asingade nezvangu. Kubika nekuwacha chaiko ndini ndinoita zvose. Nguva zhinji anongobva pamba achiti anoenda kwaamai vake kuShowground (kuDomboshava) nyambisirwa anenge achienda kuchikomba.

“Asi madzibaba uyu ndikasangana naye panotsva demo mupinyi uchisara, kuparadza imba yangu kudai?” anodaro Mutapiri, uyo anoti akaticha Madzibaba Ishamel achiri kupinda chikoro.

Anoti mukadzi wake haachamuterera uye anogara achimutuka nekumushora.

“Mufunge ndini ndakamuendesa kuchikoro kuti aite masubjects 4 aainawo izvozvi, ari kutoita Maths neEnglish. Ndakamuroora achangopedza chikoro asi akafoira. Baba vake vakafa ini ndokutanga kumudzosera kuchikoro apo izvozvi anga achienda kuChinhamora High,” anodaro.

JEREMIA MUTAPIRI

Vatori venhau veKwayedza pavakasvika pamusha pemuporofita uyu vakada kurwiswa nehama dzake nevamwe vanamati vaisada kuti nyaya yekudanana kwamadzibaba uyu nemukadzi wemunhu ifumurwe. Pamusha apa, vatori venhau vakasvika naSabhuku Zhanda VaAugustine Tunha (81) vemunzvimbo iyi nemakurokota avo anosanganisira VaGodfrey Chekera (56) nemupurisa Tanaka Chekera (23).

“Imi sabhuku hatidi kukuona pano naGodfrey wenyu uyu, tinokurovai. Imi vatori venhau hamungosvika muchititora mifananidzo tinokuvhiringai,” anodaro mumwe aive pamusha uyu achipengereka.

Amai vemuporofita uyu, avo vasina kuzivikanwa zita ravo, vakatanga kubongomora mhere vachiti mhosva yaisava yavo asi yemwana wavo ndokuzonyanyaradzwa nevana vavo vachibidirika.

Vakomana vaida kurwisa sabhuku nemakurokota ake nevatori venhau ndiCalvin Zindonda (27), Kudakwashe Zindonda (29), Jeremiah Zindonda (22) nevamwewo.

Sabhuku Zhanda vakazodyawo magaka mambishi vachiti havachada kuona mhuri iyi pamwe chete namadzibaba Ishmael mumusha mavo.

Mhuri iyi inonzi iri kuchengeta musha waTry Ndau.

“Vangade kutandanisa inini mumusha mangu ivo vari vauyi? Handichada kuvaona muno. Nyaya iyi yave kuenda kwaMambo Chinhamora mangwana chaiye. Hatigone kuchengeta munhu anotora madzimai evanhu. Ivowo mamwe madzimai havabviri mumaporofita mhani!” vanodaro Sabhuku Zhanda.

Pakadzokera Kwayedza kuDomboshava nemusi weChipiri svondo rino, Violet anonzi aiva abuda mangwanani achiti aienda kwaamai vake kuShowground uko akanoshaikwa nevatori venhau akazotaura paakaridzirwa nhare kuti akanga aenda kuHarare kuchechi.

Madzibaba Ishmael akanga asikowo kumba kwavo kubva mangwanani zvikaita kuti Mutapiri afungire kuti vaviri ava vaisasana.

Amai vaViolet, Natsai Choto (47), vanoti hapana chavanoziva nekuda kwenyaya iyi ndokukurudzira kuti mukuwasha wavo aende kuna sekuru hanzvadzi yavo inogara munzvimbo iyi kuitira kuti vagadzirise nyaya.

Zvakadai, Mutapiri anoti haachada mudzimai wake nekuda kwekuita gumbo mumba, gumbo kunze.

“Pamwe izvozvi ndava neAids

Share This:

Sponsored Links