Ongororo yezvirwere zvisisadaire mishonga

14 Oct, 2016 - 00:10 0 Views
Ongororo yezvirwere zvisisadaire mishonga Dr Manangazira

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
HURUMENDE yakatanga chirongwa chekuita tsvakiridzo yehudzamu hwezvirwere zviri kuramba kurapika nekusadaira mishonga nedonzvo rekuti paitwe ongororo yezviri kukonzera izvi. Vachitaura pamusangano wavakaita nevatori venhau muHarare, uyo wakarongwa nesangano reFood and Agriculture Organisation (FAO), mukuru anoona nezvekudzivirirwa kwezvirwere munyika (Disease Prevention and Surveillance Director) kubazi rezveutano nekurerwa kwevana, Dr Portia Manganangazira, vanoti kune zvimwe zvirwere zviri kuramba kurapika nemishonga zvakaita serurindi, gonorrhea nepneumonia.Vanoti kuramba kurapika kwezvirwere uku kunonzi Anti-Microbial Resistance (AMR) uye hazvisati zvave kuzivikanwa kuti zviri kukonzerwa nei nokudaro panoda kuitwa tsvakurudzo yakasimba munyika yose.

“Kana tichinge taziva hudzamhu nehuwandu hwezvirwere zviri kuramba kurapika zvinozobatsira kuti tive nehurongwa hwemberi hwenyika muna Chivabvu 2017,” vanodaro Dr Manangazira.
Vanoti ongororo iyi inofanira kunge yapera kuitwa mwedzi uri kutevera apo nyanzvi dzichange dzichizeya zvinenge zvawanikwa. “Mukupera kwegore, tinofanira kunge tave kuziva nezvehudzamhu hwezvirwere zviri kunetsa kurapika,” vanodaro.

Ongororo yakaitwa nesangano reWorld Health Organisation (WHO) inoratidza kuti pasi rose, vanhu 700 000 vari kufa nekuda kwezvirwere zviri kuramba kupindirana nemishonga gore negore. Huwandu uhwu huri kutarisirwa kudarika apa huchienda ku10 miriyoni mugore ra2050.

Mumiriri weWHO muZimbabwe, Dr David Okello, vanoti zvimwe zvinokonzera kuti zvirwere zvisarapike kushandiswa kwemishonga zvakapfurikidza mwero, zvikuru yemhando yemaAntibiotics kuvanhu zvose nekuzvipfuyo.
Vanoti kushandiswa kwemishonga pasina kutevedza zvipimo zvinenge zvakatarwa uye kutengeswa kwayo nezvimwe zvitoro zvisina kunyoreswa zviri pamutemo nekutora kunoita vanhu mishonga yavasina kunyorerwa nemachiremba ndiko kumwe kuri kukonzera kuramba kushanda kwemishonga iyi.

“Mune zvimwe zvipatara zvakazvimiririra, tinoona paine miyedzo yekuti mamwe machiremba anosvika pakunyorera murwere mishonga yakakura kwazvo kunyangwe zvirwere zvacho zviri zvidiki zvinova zvinoisa varwere panyatwa yekukundikana kushanda kwemishonga mumuviri yavo apo vanozorwara zvakare,” vanodaro Dr Okello.
Vanoti vamwe varapi havasi kutevedza mitemo chaiyo yekurapa varwere (Standard Guidlines for Public Heatlh Intervetions) uye kana zvikaramba zvakadai huwandu hwezvirwere zvinoramba kurapika nyore nemishonga zvichawedzera.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>