Ongororwa kuti utachiona hwadzvanyidzirwa

20 Aug, 2015 - 00:08 0 Views
Ongororwa kuti utachiona hwadzvanyidzirwa

Kwayedza

Catherine Murombedzi
NYANZVI mune zveutsanzi vakaona kuti munhu akanwa maARV sezvakatarwa navanachiremba uye mapiritsi aya achibvumirana neari kuanwa mushure menguva yakati kuti angave makore matatu kana mana, munhu akazonoongororwa kuti ane utachiona hweHIV here anowanikwa asina.

Izvi hazvirevi kuti haachisisina utachiona hweHIV asi kuti maARV ari kushanda zvakanaka nekuti kudzvanyidzira utachiona pasi kuri kuitika. Kudzvanyidzira uku pachirungu vanokuti ‘viral load suppression’ naizvozvo maARV kana achishanda zvakanaka munhu ari pachirongwa anofanira kuve neutachiona husisaonekwi.

Nzira inowanzoshandiswa munyika muno kuongorora kuti munhu ane utachioona hweHIV here kana kuti haana inonzi rapid HIV test izvo zvinoreva nzira inokasika kuongorora utachiona hweHIV.

Nzira iyi haigoni kubata utachiona hunenge hwadzvanyidzirwa pasi nekunwa maARV nemazvo. Nzira iyi haigonozve kubata utachiona hweHIV huchangopinda, naizvozvo munhu anenge aonekwa asina utachiona anokurudzirwa kudzokazve kwapera masvondo matanhatu yavanoti pachirungu ‘window period’ kuutachiona hutsva.

Takatarisana nemunhu anwa mapiritsi emaARV kwemakore akawanda, akada kupinda muwanano vanokurudzirwa kuongororwa ropa.

Mumwe uya anwa maARV kwemakore utachiona hweHIV hwadzvanyidzirwa kusvika pasi-pasi zvekuti hauchaonekwi naizvozvo ongororo inotaridza kuti haana.

Saka takatarisa vari kuda kupinda muwanano, kuvimbika nekutaura chokwadi ndicho chinhu chikuru.

Zvakaonekwa kuti munhu ane utachiona hweHIV hwadzvanyidzirwa pasi ane mukana mudiki-diki wekutapurira mumwe.

Nyangwe mukana uri mudiki-diki bonde pamunhu akadai rinofanira kuve nedziviriro.

Kana zvichitevedzerwa munhu wose ari kunwa maARV anofanira kuitwa ongororo iyi kamwe chete pagore kuona kuti utachiona huri kudzvanyidzirwa pasi here.

Vazhinji kwazvo havasati vamboitwa ongororo iyi nenhau yekuti inodhura.

Muma rabhoratori akazvimiririra ega ongororo iyi inodaidzira mari iri pakati pe$80 kusvika $100.

Mari yakawanda kudai haibatike. Nyangwe munhu achipiwa maARV pachena ongororo iyi haiitwi pachena. Kune nzvimbo dzine vanobatsira dzakaita seMutare Fact neNewlands Clinic muHarare uko ongororo iyi inoita $35.

Musangano weAIDS uchangopera kuVancouver, Canada veutsanzi vakashora vanhu vanorarama neutachiona hweHIV nekusaongororwa kudzvanyidzirwa kweutachiona sezvinodikanwa.

Vachitaura kumusangano uyu, nyanzvi idzi dzakati basa radzo dzaita naizvozvo vanorarama neutachiona zvasarira ivo kusakura nekuzunza.

“Vanhu vanorarama neutachiona hweHIV vanofanira kunge vava neutachiona husisaonekwi kana vachinwa maARV sezvakatarwa uye kana mushonga uyu uchishanda nemazvo.

‘‘Kuti mushonga hausi kushanda nemazvo zvinoonekwa kana munhu aitwa ongororo iyi oonekwa kuti huchiri kututuma here. Kana huchiri kututuma zvinoreva kuti munhu uyu ava kufanira kupiwa mamwe mapiritsi emhando yepamusoro anesimba,” veutsanzi vakataura kudaro kuVancouver.

MuZimbabwe tine vanhu vari pachirongwa cheHurumende chekupihwa maARV vanosvika 650 000 uye vari kurarama neutachiona munyika ino vanosvika 1 400 000 (UNAIDS 2012). Pavanhu vose ava, vashomanana chaizvo vasingatombosvika 100 000 vakaitwa ongororo iyi. Nemhaka yei zvakadai, nekuti zvinodhura.

Mudzimai anorarama neutachiona uye achirwira kodzero dzevanorarama neutachiona, Martha Tholanah, anoti ichokwadi vanhu vanozviziva kuti kune ongororo yakadai asi vangani vane homwe yakasimba kubhadhara ongororo iyi?

“Tinozviziva kuti zvinonzi ndiyo nzira yamandorokwati yekuongororwa kuti utachiona hwadzvanyidzirwa pasi zvekuti hauchabatiki asi mari inodaidzirwa kuita ongororo iyi haiwanikwi kuruzhinji rwedu.

‘‘Veutsanzi kumusangano mukuru uyu vaitaura kunge itori mhosva yedu kuti hatisi kuongororwa nenzira iyi. Tinoda chose asi vangani vanowana $35 inodiwa kunzvimbo shoma dzakati dzikirei paongororo iyi?” akadaro Tholanah.

Utachiona hukaenda pasi pe 100mcopies per gramme hunenge husisaonekwi naizvozvo nzira iyi yakanaka asi homwe ndiyo inoramba.

Share This:

Sponsored Links