Opikira chikwereti chemendenenzi

12 May, 2017 - 00:05 0 Views
Opikira chikwereti chemendenenzi

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
MUSHANDI wekanzuru yeChitungwiza akadhonzerwa kudare redzimhosva reko achipomerwa kusabhadhara mari yemendenenzi inosvika $300 yemwedzi gumi yadarika.

Mutongi wedare reChitungwiza Magistrate’s Court, Francis Mapfumo, akapa James Murapa (40) wepanhamba 14 Haka Street kuZengeza chirango chekugara mujeri kwemwedzi mina asi ndokuzoisendeka yose padivi paine chitsidzo chekuti anofanira kubhadhara chikwereti chake chese.

Muchuchisi Tatenda Mukatera akaudza dare kuti nomusi 13 Kukadzi 2015, Murapa akapihwa mutongo wekubhadhara mendenenzi ye$30 pamwedzi kumumhan’ari Nosizive Pombi (32), uyo anoshanda kukambani yeThe Sausage Factory iri muChitungwiza makare.

“Murapa akange ari murume wangu asi takazosiyana uye ndinorangarira kuti kubva nomusi wa28 Chikunguru 2016 kusvika mumwedzi waKurume gore rino, haana kana kuisa sendi mubhanga mangu zvisinei nekuti akapihwa mutongo nedare rino kuti abhadhare $30 pamwedzi yekuchengeta mwana wandakaita naye,” anodaro Pombi.

Murapa akatongwa nemhosva yekusabhadhara mendenenzi pasi pechikamu chemutemo weDefault in paying maintenance Section 23(1) of the Criminal Codification Act Chapter 5:09.

Share This:

Sponsored Links