Opikira kuyamwisa mwana asiri wake

30 Jun, 2017 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
MUSIKANA wekuChitungwiza uyo akayamwisa mwana wemukadzi waanoshandira achiti iyi yaive nzira yekumunyararidza akaigochera pahutsi zvichitevera kutongerwa kwaakaitwa nedare reko kugara mujeri kwemwedzi 30 izere.

Mutongi wedare reChitungwiza Magistrate’s Courts, Estere Chivasa, akapa Edna Majena (18) chirango chekugara mujeri kwemwedzi 36 ndokuzomubvisira mwedzi mitanhatu pachirango ichi paine nechitsidzo chekuti haafanire kupara imwezve mhosva yerudzi urwu makore mashanu asati adarika. “Mhosva iyi ndinoibvuma, ndakayamwisa mwana nekuti ndaida kuti anyarare sezvo akange achichema,” anodaro Majena.

Muchuchisi Karen Kunaka akaudza dare kuti nomusi 1 Chikumi gore rino, mumhan’ari anove amai vemwana uyu (zita tinaro) akange ari mushishi kugeza apo akanzwa mwana wake achichema achibva ataurira Majena kuti amunyararidze.

Pakazobuda amai vemwana uyu muimba yekugezera, vakaona Majena ari mushishi kuyamwisa mwana uyu zvikaita kuti vamumhan’arire kumapurisa achibva asungwa.

Mwana uyu akaendeswa kuchipatara uye magwaro ekwachiremba akaburitswa mudare seumboo.

Majena akavhenekwawo asi akaonekwa asina utachiona hweHIV panguva yakatongwa nyaya iyi.

Share This:

Sponsored Links