Opura mari neMoneyMaker

30 Sep, 2016 - 00:09 0 Views
Opura mari neMoneyMaker

Kwayedza

MURIMI wechidiki wekuRugare muHarare oita zvinorova nekurima zvirimwa zvakadai sehanyanisi, mbatatisi nematomatisi achishandisa michina yemadiridziro yeMoneyMaker Manual Irrigation Pumps.Sly Thom (25), uyo ane mabhindauko ake anodaidzwa kunzi Sly Investiments, anoti akatangisa kurima gore rino.

“Ndakadzidza paMidlands State University (MSU) uko ndakaita zvidzidzo zvangu zvekurima (agronomist) saka ndinoziva zvose zvinodiwa mukurima.

“Vanhu vazhinji vari kutoshamisika kuti nekamunda kadiki kandinako aka ndakakwanisa kubura 27 000 units dzehanyanisi idzo ndakarima mukati memwedzi mitatu ndikadzikohwa svondo rino. Kana ndichinge ndadzitengesa ndiri kutarisira kuwana US$2 000,” anodaro Thom.

Thom anoti asati atenga muchina wemadiridziro weMoneyMaker Irrigation Pump aigozherwa zvikuru apo aishandisa mugoro mukutakura mvura ichienda kumunda.

“Kushandisa mugoro pakudiridzira kwairwadza uye kwaindidyira nguva zhinji nekuti ndaitogona kutora maawa makumi matatu ndichidiridzira asi iko zvino ndave kunodiridzira kwemaawa matatu nekuti muchina uyu unosvitsa mvura kure kwazvo kwechinhambwe chemamita 200 kana kudarika zvichienderana nehurefu hwemapaipi aunenge watenga kana munda wako,” anodaro.

Anoti dambudziko raakatarisana naro ndere munda mudiki pamwe nekushomeka kwemvura yekudiridzisa izvo zviri kudzorera bhizimusi rake kumashure.

Zvakadai, VaNgoni Bhamu vanove murimi mukuru wembesa (bhamec seedlings) kuWestlea muHarare zvakare vanoti vasati vatenga madiridziro eMoneyMaker Irrigation Pumps vaishandisa makeni uye hinjini inoshanda nepeturu zvinova zvaivadhurira nekuvapedzera nguva.

“Madiridziro aya ndinoona akanaka nekuti haadhuri, handichatemwi musoro nekufunga kuti ndingawana kupi peturu. Panguva yataishandisa makeni nehinjini pakudiridzira tairasikirwa nemvura uye zvirimwa zvedu zvaityoka.

“Asi neMoneyMaker Irrigation Pumps mvura inonyatsoenda kuzvirimwa zvakanaka pasina kurasikirwa. Zvakare unokwanisa kudiridza munda wakakura mukati menguva diki uchisara uine mwando wakakwana,” vanodaro.

Vamwe varimi vanoshanda naVaBhamu pabindu iri Tafadzwa Chivauya (20) naBlessed Jimu (19) vanoti vanofara zvikuru nemuchina wemadiridziro uyu sezvo uchiita kuti basa ravo rive nyore.

“Patinodhaya mvura nemakumbo tichiita kunge tinochovha bhasikoro mvura inetenge iri kupombwa kubva mutsime kana mudhamu ichienda kuzvirimwa.

“Unogona zvakare kupomba mvura ichienda kumatengi kana uchida kuishandisa mudzimba uye zvinotoita kuti muviri ugare wakagwinya apo unenge kuchiita senge uri kuita mitambo inosimbisa muviri pakupomba mvura,” anodaro Chivauya.

Director weBlagefield Marketing (Pvt) Ltd inove kambani inogadzira michina yakasiyana yemadiridziro eMoneyMaker Irrigation Pumps, VaBrian Vere, vanoti michina yechitsoka-tsoka iyi iri nyore kushandisa zvikuru.

“Tinokurudzira vanhu kuti vawedzere kuchera matsime avo kuti ange achiita mvura yakawanda nekuti munguva ino yekupisa matsime mazhinji ari kuomerwa nemvura.

“Tinoda kuti mvura irambe ichishandiswa kwegore rose mumabhindauko akadai sekurima, kukanya zvidhinha, kuvaka nezvimwe zvinova zvinowanisa vanhu basa nekuti zvinoderedza nhau dzehurovha nehumbavha,” vanodaro.

 

Share This:

Sponsored Links