Uncategorized

Opura mari nenguruve, mombe

19 Aug, 2016 - 00:08 0 Views
Opura mari nenguruve, mombe VaLangton Mutendereki (kuruboshwe) nevamwe vachiona dzimwe dzenguruve dzavanochengeta papurazi ravo nguva yadarika

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
CHIRONGWA cheHurumende icho chakananga kuvandudza upfumi hwenyika chinobudirira chete kana pakava nekushanda nesimba, zvikuru munyaya dzekurima sezvo muri imo mune hwaro hwebudiriro yeZimbabwe. Mashoko aya akataurwa namuzvinabhizimusi wekuNorton, VaLangton Mutendereki (51), avo vari kuita zvinorova kumapurazi avo ari kuSelous, uko vari kuchengeta zvipfuyo zvinosanganisira mombe, nguruve, hwai, mbudzi, madhadha nematoki.

“Ndakatanga ndiine mombe shanu bedzi mugore ra2004 asi iko zvino dzakabereka dzikawanda kusvika 300 dziri kuKutama Farm. Nguruve ndine 1 000.

“Ndine vashandi gumi nevashanu vari vekupurazi avo ndinoendesa kuzvikoro zvekurima kuti vanofundiswa hunyanzvi hwekuchengeta zvipfuyo. Ndinofara zvikuru kuti panguva ino hakuna zvirwere zvakakomba zviri kubata zvipfuyo zvangu nokudaro tiri kungodya makeke chete nekufambirwa nezvinhu tiri paruzevha,” vanodaro VaMutendereki.

Vanoti semunhu akayarukira kumusha, vakakura vaine shungu dzekuva murimi mukuru uye kusimukira kwebhizimusi ravo kunoratidza kuti vari kutevedza matsimba emadzisekuru avo vaive hurudza.

“Ndiri murimi ari muchikamu cheA2 nekuda kweshungu uye kusatya kugara mundove. Kana ukave murimi anogara kudhorobha uchingofonera vashandi kuti mombe dzave ngani, unoirasa nekuti unogona kubirwa kana kunyeperwa. Ndinotoziva mombe dzangu nehuwandu hwadzo kana pakangoshota imwe chete ndinotozviziva.

“Vanasekuru vangu vakange vari varimi vakuru zvekuti takatopinzwa chikoro nemari yaibva kumunda, ndizvo zvakaita kuti ndiyemure kurima.” VaMutendereki vanoti vakaisawo michiso pamombe nenguruve dzavo kuitira kudzivirira kubirwa kana kurasika kwazvo. Vanotizve kurima kwakakosha nekuti ibhizimusi risingavharwi sezvo munhu wose achida kudya zuva nezuva.

“Pazuva vanhu vanogona kuda kudya kanokwana katatu. Zvino kana munyika mukaita nyope chikafu chacho chinobvepi? Ndinotochema zvangu kuHurumende kuti kudai yaongorora vanhu vakawaniswa minda kuti ione kuti muminda imomo muri kuitwei, kana kune vasiri kurima vatorerwe, igopihwa vane chido nekuti ndizvo zvinosimudzira nyika,” vanodaro.

VaMutendereki vanochema-chema nenyaya yekukwira kwemitengo yechikafu chezvipfuyo vachiti ndizvo zvimwe zviri kudzorera bhizimusi ravo shure.

“Chikafu chatinoshandisa kunguruve sedry saw chiri kuita US$24 pa50kg, growers US$27, finisher US$27, chip meal US$29 kuchizoti soya crush mix US$29 pakg. Tave kutosarudza kutenga chibage kuvarimi tozvigaira tega chikafu chezvipfuyo zvedu nekuti tinotoona zvakatirerukira.

“Dambudziko remagetsi ndiro rimwe kuno nekuti tatove nemwedzi inodarika mina tisina zvichitevera dutu remhepo rakauya rikatidonhedzera mapango emagetsi. VeZESA takavazivisa nezvedambudziko iri asi nanhasi havasati vauya. Magetsi tinoada mukugaya chikafu chezvipfuyo nekudhonza mvura inonwiwa nezvipfuyo. Tave kudhurirwa nekushandisa majenareta,” vanodaro.

VaMutendereka vanokurudzira varimi kuti vatore kurima sebhizimusi rinoda kushandwa nesimba pasina kuita zviya zvekudimbudzira kuitira kuti vawane chouviri kubva mubasa iri. Vanotendawo mukuru anoona nezvemafambisirwo ebasa papurazi ravo, VaWickleave Bangure (30), avo vavanoti vane hunyanzvi mukuchengeta nguruve.

“VaBangure ndakavaendesa kunofundira kupfuya nguruve kuPig Industry Board zvekuti hapana anoti pwe-e. ‘‘Tiri kuita mari pano nekuti hapana chipfuyo chinongofa nhando,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links