Orohwa

05 Aug, 2016 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Amager Mufema
MUMWE mukadzi anoti ari kuoneswa chitsvuku nemurume waakaramba naye, uyo anomurova pose paanomuona achitaura nevanhurume.

Weddy Muchabaiwa akakwidza nyaya yekufurufushwa kwake naVincent Takawira kudare reHarare Civil Court. “Ishe wangu, uyu aimbove murume wangu kwemakore gumi asi tikazorambana mugore ra2014. Ndakabva ndanogara naamai vangu asi iye aingouya kumba achikonzera mhirizhonga. Hazvina kugumira ipapo, izvozvi ndave kugara nehanzvadzi yangu asi anouya achindirova nekundituka,” Muchabaiwa akaudza mutongi wedare iri, Trevor Nyatsanza.

Akati zvakare anorohwa pose paanoonekwa achitaura nevanhu.

“Ndikaonekwa ndakamira nevanhu mumugwagwa ndinorohwa zvekuti ndave kutotya kutaura neshamwari dzangu. Akasvika pamba pandinogara nehanzvadzi yangu, anotukirira vana zvinyadzi zvekuti hapana chaanosiya,” akadaro Muchabaiwa.

Takawira akaramba kuti anoshungurudza Muchabaiwa.

“Ndakatoshamiswa ndichiona magwaro achiti ndiri kudiwa kudare. Ini handimutuke Weddy uyu, ndinotoedza nepose pandinogona kuti tidzokerane tichengete vana tose,” akadaro Takawira.

Mutongi Nyatsanza akabvunza Muchabaiwa kana achida kudzokera kumurume wake iye ndokuti: “Kwete, handidi nekuti anorova murume iyeyu.”

Mutongi Nyatsanza akapa Muchabaiwa gwaro redziviriro. Akati kana Muchabaiwa achida mukadzi wake anofanira kumunyengerera sezvaakamboita pakutanga achimupfimba.

Share This:

Sponsored Links