Otaura rudo rusipo kutiza mendenenzi

09 Jun, 2014 - 16:06 0 Views

Kwayedza

Soblina Gumbochuma
MURUME wekuendeswa kudare nemukadzi wake, uyo anonzi anogara achimurova zvekumuita kafiramberi nenyaya yemendenenzi, akada kunzvenga kubhadhara mari iyi achiti mudzimai wake achiri kumuda.
Hudson Chikomo (27) akadhonzerwa kudare neaimbove mukadzi wake, Fungai Mukarati, achinzi haasi kuchengeta mwana wake.

“Chikomo haadi kuchengeta mwana wake. Chero ndikamuudza kuti mwana ari kurwara haana basa nazvo, chaanogona kudya mari nepfambi. Mari yake ndeye kufara nepfambi chete zvinova ndizvo zvaiita kuti agare achindiponda kunge nyoka yapinda mumba,” akadaro Mukarati.

Akaenderera mberi achiti:

“Ndaigara ndichirikitwa zvekuti mazino angu ari kuda kubva pamusana pekurohwa. Kungobvunza chete kuti wanonokerei kuuya kumba, ndaibva ndatorerwa bonza chairo ndotanga kutswiwa naro. Zvakaita kumeso kwangu izvi handizvo zvaakanditora ndakaita.

“Nhasi ndaremara kumeso nechikonzero chekukinditswa nemunhu iyeyu.”

Mukarati akati Chikomo akabuda mumba nemimwe midziyo achinogara nepfambi.

“Vakaenda kupfambi nemetiresi ndikasara ndichirara pamapuranga ega ini nemwana, chikafu ndaiita chekupara iye achipfachura mari. Ndakazoona kuti zviri nani ndibve hangu ndikwanise kurarama ndisiri mujeri iri.

“Iye zvino ndinorarama nekuitira vanhu juti nekuwacha uye kutsvaira mudzimba saka ndinoda $100 yekuti ndiraramewo nemwana,” akadaro Mukarati.

Achipawo divi rake, Chikomo akati:
“Handifare nepari kugara mukadzi uyu nemwana wangu. Ndinoda mhuri yangu saka ndinoda kugara navo vese asi mukadzi uyu akauya kumba nehama dzake pakati pehusiku vachitora midziyo yedu nemari. Inga vanhu vanotadzirana wani, kwangu ndiko kwanyanyoita sei? Ndasuwa mhuri yangu ini.

“Mari yaari kuda ini handina nekuti ndinotengesa majusi kadhi kuJambanja ndichiwana $120 pamwedzi. Ndinoda kuti adzoke kumba tigare tese nekuti paari kugara nemwana hapana kunaka, panenge bako chairo.”

Mutongi Tafadzwa Muvhami akati Chikomo abhadhare $35 pamwedzi.

Share This:

Sponsored Links