Oti akafuswa natezvara navamwene

31 Oct, 2014 - 09:10 0 Views

Kwayedza

Orpah Mukotekwa
MUROORA wekuti akadzingwa pamba natezvara navamwene vake, avo vaigara vachimutukirira, akazopotera kudare.
Andrew Nyamudo akamhan’arirwa kuHarare Civil Court neaimbove mukadzi wake, Calisia Chazemba, achida kupihwa mari yekuchengeta mwana wavo.

“Ndauya kuno ndichida $100 yemendenenzi yekuchengeta mwana wandakapihwa naNyamudo. Zviri kundiomera kuti ndichengete mwana uyu ndiri ndega sezvo ini ndichingoshandawo basa rekugadzira vanhu musoro. Mari yandiri kuwana ishoma zvekuti haizokwanise kuriritira mwana ndiri ndega. Murume uyu akandidzinga pamba ndikadzoserwa kuvabereki vangu saka hazvigoni kuti ndimuchengetere mwana wake.

“Amwene navatezvara vangu vanobatsirana kunditukirira zvekuti kuzodzingwa kwandakaitwa nemurume uyu ndivo vaive vazvironga. Vanotaura zvekundinyomba zvese zvavanofunga kuti vanoda kundiudza. Pavakazoziva kuti ndamhan’arira mwana wavo kumatare nenyaya yemendenenzi vakandiudza kuti vaizopedzerana neni zvekuti ndatoita zvivindi kuunza nyaya iyi pamberi pedare.

“Vanondiudza kuti ndikaita zvekutamba ndichachiona zvekuti ndiri munhu ave kutyira upenyu hwake nekuti ndinogona kungodamburwa-damburwa neamwene navatezvara vangu,” akadaro.

Nyamudo akapikisina nezvaitaurwa naChazemba achiti: “Zvese zvataurwa naamai ava manyepo. Handina kumbovadzinga pamba asi ndivo vakaenda vega kumba kwavo. Ini ndakatozomboedza kutevera kuvabereki vavo asi vakaramba naye.

“Saka zvakandiomera kuti ndichengete mwana ari kumba kwavo ini ndiine imwe mhuri kumba. Ndine vanin’ina vangu vatatu vanoda mari yechikafu uye yechikoro. Ndinochengeta vabereki vangu saka mari yacho iri kutaurwa naamai ava handiikwanisi. Dai zvaibvira dare randitendera kuti ndivape $35.” Mutongi Tafadzwa Muvhami akati Nyamudo abhadhare $80 pamwedzi.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey