Otizwa nekuda kwezvikwereti

12 Dec, 2014 - 20:12 0 Views
Otizwa nekuda kwezvikwereti

Kwayedza

nyundoTatenda Moyo
MUKADZI wekuti vanhu vave kumuzeza pamwe nekumutiza nekutya kukweretwa akazoendesa aimbova murume wake kumadare achida mari.Loraine Bore akaendesa Prosper Tshuma kuHarare Civil Court achida mari yekuchengeta mwana wavo. “Vedare, baba ava handiziviwo kuti ndodii navo nekuti pavandipinza ndipo parumananzombe chaipo, ndazogura manje.

Zvikwereti zvandave nazvo pamusoro pake murume iyeyu hazvitotsanangurike uye zvimwe zvacho handifunge ndingakwanise kuzvibhadhara pasina rubatsiro.

“Tine zvikwereti kuzvipatara chaiko zvinova zvakatitadzisa kutoresa birth certificate remwana. Pamusoro pezvo, pane zvimwe zvikwereti kukireshi kwemwana zvekutoti nzvimbo yeGrade 1 haitowanikwe zvikwereti izvozvo zvisati zvagadziriswa. Hama dzangu nevavakidzani havachatodi kunzwa nezvangu nekuti vanoti ndinenge ndichingoda kukwereta. Baba ava ngavandipe $60 zvayo,” akadaro Bore.

Tshuma akapokana naBore achiti:

“Ini kuriritira mwana wangu handina kumboramba asi kungoti zvinhu hazvisi kundifambira. Ndinotengesa mabhuku mudhorobha zvisiri pamutemo. Nekudaro kanzuru nemapurisa vanombokanda matombo munhandare zvichireva kuti basa rinenge risingashandike. Kare zvinhu zvaimbofamba, asi iko zvino hapana asiri kuchema.

“Mari yandinotokwanisa kubhadhara i$20 kwete $60 yaari kuda nekuti ndine mumwe mukadzi nevana vaviri. Zvimwe zvinongoda kunzwisisana nekuti kana isipo handingabeka uye pazvikwereti ini ndakangoti ndinopota ndichivapawo mbijana yekuti tinge tichikamurawo zvikwereti zvacho.”

Mutongi Tafadzwa Muvhami akati Tshuma abhadhare $45 pamwedzi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>