Otsvaga rubatsiro rwekombiyuta

29 Aug, 2014 - 09:08 0 Views

Kwayedza

MUSIKANA wemuHarare ane makore 22 okuberekwa, uyo ane dambudziko rekusanyatsoona zvakanaka, ari kutsvaga rubatsiro rwekombiyuta ye’laptop’ yaanoti yakakosha zvikuru kuti akwanise kuenderera mberi nezvidzidzo zvake zvekuyunivhesiti.

Given Shamiso Kabayahwaro, wekuGlen View, akabudirira muzvidzidzo zvake zveForm 6 uye akawana nzvimbo kuUniversity of Zimbabwe uko achange achiita zvidzidzo zveBachelor of Law (Honours).

Anoti akabuda nemapoinzi 12 paA-Level apo aiita zvidzidzo zvemaArts.

“Ndakaita Form 6 yangu mugore ra2012, dambudziko rekusaona rakatanga ndave kunonyora Form 4 mugore ra2009. Zvakangouyawo, handizive kuti zvakatanga sei,” akadaro.

“Dambudziko rangu handione, nekudaro sezvo kuUZ kusina mabhuku anoshandiswa nevanhu vasingaone ekutsvanzvadzira, ndiri kuda laptop inoshandisa mazwi pakudzidza, iyo ndinenge ndichiterera semunhu asingaone.

Kwandakambofamba ndichibvunza vamwe vaiti inoita US$500 kana kudarika saka ndinokumbirawo rubatsiro,” akadaro Shamiso.

Shamiso anogara nehanzvadzi dzake uye kune vangade kumubatsira vanokwanisa kumuridzira nhare panhamba dzinoti 0715 798 340 kana 0778 879 170.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>