Ovimbisa baba rufu…‘Anombondirwisa achida kundiponda’…‘Ndizvozvo, ndimi makandishandisa’

13 Nov, 2015 - 00:11 0 Views
Ovimbisa baba rufu…‘Anombondirwisa achida kundiponda’…‘Ndizvozvo, ndimi makandishandisa’

Kwayedza

Cassius Mushore
BABA vekuvimbiswa rufu nemwanakomana wavo achiti anoda mari yake inoita $1 100 iyo yaanoti chikwereti chemakore matatu apfuura vakatozopotera kudare. Paul Makosvo akaendesa mwana wake Last Makosvo kuHarare Civil Court achiti ari kumushaisa rugare. “Mwana wangu ngaachibva zvake pamba pangu nekuti ini ndava kutotyira upenyu hwangu. Handizvioni mushe, anogona kungondiuraya sekundivimbisa kwaari kuita.

“Akatombondirwisa zvekundikuvadza achindirovera chikwereti chake zvekuti vanhu ndivo vakatozorandutsira. Vakoma vake vakamubvunza nezvenyaya yekundirova akavataurira kuti, ‘kana vakasandipa mari yangu ndichavatema nedemo’,” akadaro Paul.

Akaenderera mberi achiti mwana wake anobva kuBulawayo kwaanogara achiuya kumusha kwake kuzomushungurudza nenyaya yechikwereti iyi.
“Kana zviri zvemari yake ini ndakamupa kare zvekuti handioni chaanoda pamba pangu,” akadaro Paul.

Last akapikisa mashoko ainge ataurwa nababa vake achiti vakamushandisa senhapwa pamugodhi wavo wegoridhe.
“Baba vangu vaindishandisa senhapwa pamugodhi wavo wegoridhe, havana kana mari yavaindipa. Zvakare, munguva yandaivashandira ndaivapa mari yangu yose kuti vandichengetere sababa vangu asi ndava kuibvunza havachadi kundipa, yava kutosvika $1 100.

“Ndakavakisa chitoro changu ndikati baba vapote vachindichengetera nekutarisa zvose zvinenge zvichiitika asi ivo vanoenda vonotora zvandinenge ndanohodha vachishandisa zvavo. Sababa vangu ndaivimba navo kuti zvinhu zvose zvichafamba sekuronga kwatainge taita asi zvava kuenda nepamwe,” akadaro Paul.

Akati iye nemhuri yake vari kukwangwaya nekudaro anoda mari yake kubva kuna baba vake.
“Ini nemhuri yangu hatisisina chekubata kana vakasandipa mari yangu iyoyo. Hongu, vaindichengeta zvavo asi mari ndakaishandira, vanofanira kundipa kwete kundibatirira nekuti ndiri mwana,” akadaro Last.

Mutongi Ruth Kamangira akapa gwaro redziviriro kuna Paul.

Share This:

Sponsored Links