Oyaura nezibundu mumusoro

01 May, 2015 - 00:05 0 Views
Oyaura nezibundu mumusoro

Kwayedza

Malven Mugadzikwa
MURUME wekwaChihota anoti ari kutambura zvakanyanya nemarwadzo ari kukonzerwa nezibundu guru riri kugotsi kwake (growth) iro rakangonyuka naizvozvo ari kutsvagawo rubatsiro rwekuti arwapwe. VaMhofu Phenias Charakupa (63), avo vanogara kwaNgundu, vanoti vakamera zibundu kugotsi iro rava nenguva refu richivarwadza uye riri kukura.

“Bundu iri rakatanga kari kadiki ndikaenda kuchipatara cheChitungwiza Central Hospital ndikabatsirwa rikapera. Rakazongonyuka zvakare apo rava kukura zvakanyanya uye marwadzo acho anyanya.

“Rine zvimapundu zviri pamusoro paro zvinoita kuti rivhite-vhite zvichikonzera marwadzo,” vakadaro.
“Pane kwandakaenda kunobatsirwa uko ndakaudzwa mari inodiwa, inoita $608 kune veTiens avo vakati ndinofanira kunwa mimwe mishonga inoita kuti risachekwa. Vakati rikachekwa rinogona kuzokanganisa pfungwa dzangu sezvo riri kugotsi saka vakati rinoda mushonga wekuti rinopera rega. Mishonga iyi ndiyo ine mari iri kudiwa,” vakadaro.

Vanoti chikumbiro chavo chikuru ndechekutsvaga vangavabatsire nemari iyi.
“Kana kuine vemabhizimisi kana vanhuwo zvavo vakasununguka kundibatsira vanogona kundibata panhamba dzinoti 0776 474 493 kana kuisa mari muAccount yangu yekubhanga rePOSB inoti 114310000742,” vakadaro VaCharakupa.

Share This:

Sponsored Links