Pakuvhara gedhi . . . DeMbare iri pamberi

25 Jun, 2015 - 00:06 0 Views
Pakuvhara gedhi  . . . DeMbare iri pamberi

Kwayedza

ACHANGE ari makuwerere svondo rino kunhandare dzakasiyana apo zvikwata zvose zvinokwikwidza muCastle Lager Premier Soccer League zvichitatsurana.

Mitambo yePSL yakange yambomiswa kwemasvondo maviri adarika nekuda kwemitambo yechikwata chenyika chemaWarriors yange iriko.

Zvikwata zvose kusvika pari zvino zvatamba mitambo 13 kubva pakatanga mwaka wegore rino uye Chicken Inn ndiyo iri pamusoro iine mapoinzi 28. Chicken Inn iri kuteverwa neTriangle United iyo ine mapoinzi 24 kozoti Dynamos ine 23.

Kwayedza svondo rino yakaita ongororo yekuona kuti ndezvipi zvikwata zviri kuvhara bhora zvinonwisa mvura uye zvine vabati vepagedhi vasiri kunwiswa nyore.

Murairidzi wechikwata cheChelsea, kuEngland, Jose Mourinho, anozivikanwa nekukurudzira chikwata chake kuti chivhare gedhi izvo zvinozivikanwa nekunzi “park the bus”.

Ongororo yeKwayedza inoraridza kuti mumitambo yose yePSL yatambwa kusvika pari zvino, zvibodzwa zvanwiswa nevatambi vezvikwata zvose zvinosvika 227.

Triangle ndiyo iri kutungamirira pakunwisa zvibodzwa izvi iine 29 ichiteverwa neChicken Inn pamwe neZPC Kariba izvo zvakwanisa kunwisa ka20 pachikwata chimwe nechimwe.

Nekune rimwe divi, Tsholotsho FC, iyo yakapinda muPSL gore rino, iri kutatarika yakatarisana negedhi nekuti yangokwanisa kunwisa kashanu chete.

Zvakaonekwa kuti Dynamos pari zvino ndiyo ine vatambi vekumashure vanove mbambo chaidzo sezvo yanwisa kashoma kudarika zvimwe zvikwata zvose.

Kubva mumitambo 13 Dynamos yayatamba, vabati vayo vepagedhi vaviri avo vari kumbochinjana — Tatenda Mukuruva naArtwell Mukandi — vanwiswa kanomwe chete uye vane mitambo misere yavakatamba yavasina kumbonwiswa.

Tinogona kupembedza Mukuruva naMukandi asi shasha dzinovachengetedza pamberi pavo, vatambi vakaita saGodfrey Murwira, Sydney Linyama, Ocean Mushure naElisha Muroyiwa, vari kushanda basa guru rekuona kuti chikwata ichi chisarasikirwe nezvibodzwa zvakawanda.

Asi kune rimwe divi Dynamos iri kutatarika kunwisa sezvo yangokwanisa kurova mambure ka11 chete izvo zvisingatarisirwe kubva kuchikwata chikuru seichi.

Dynamos pakuvhara mambure inoteverwa neChicken Inn iyo iri kutamba nhabvu inodakadza gore rino.

Chicken Inn mumitambo yayo pari zvino yanwisa ka20 iyo ndokunwiswawo kasere chete uye mubati wayo wepagedhi, Elvis Chipezese, akwanisa kupedza mitambo mitanhatu asina kumbonwiswa.

Asi Chipezese anoziva hake kuti anogara akachengetedzeka nekuti pamberi pake vatambi vanoti Passmore Benard, Lawrence Mhlanga, Moses Jackson naDevine Mulunga vari kuvhara bhora zvinoyevedza.

Zvakadaro, gore rino Chapungu United iri kurwa imire nekuti panguva yakambomiswa mitambo yePSL yainge yakagara pachinzvimbo chechishanu.

Vabati vayo vepagedhi vaviri vanoti Talbort Shumba naRoy Mazingi vange vachibata bhora zvinodadisa mumitambo yavatamba yakasiyana izvo zvakavaona vachinwiswa ka11.

Kubva pamitambo 13 yayatamba, Chapungu yakakwanisa kupedza mitambo minonwe isina kumbonwiswa.

Zvimwe zvikwata zvinotevera zvinoti Highlanders, iyo yakanwiswa ka10 uye ikaita mitambo mitanhatu isina kumbonwiswa, Triangle yakanwiswa ka11 ndokuitawo mitambo minomwe isina kumbonwiswa zvekare kozoti CAPS United iyo yakanhonga bhora mumambure ka12 ndokuita mitambo mitanhatu zvekare isina kumbonwiswa.

Muongororo iyi zvakaonekwa kuti zvikwata zvinoti Wha Wha FC, ZPC Kariba neDongo Sawmill zvakabooka kumashure.

WhaWha FC inofanirwa kushanda nevatambi vayo vekumashure zvakasimba nekuti mubati wepagedhi, Polite Sibanda, anwisa ka28 uye akangokwanisa kupedza mitambo miviri asina kumbonwisa mumwe mutambo wacho ndeuyo wavakanyora nhorondo pavakakunda DeMbare 1-0.

Wha Wha ndechimwe chezvikwata chanzwa nekubayiwa zvinopisa tsitsi muligi izvo zvakachiona chichirakashwa 6-0 neHow Mine uye 6-0 zvekare neTriangle United.

Mumashure meWha Wha munotevera Dongo Sawmills, iyo yakapindawo muPSL gore rino, yanwiswa ka21.

Pachapera mitambo yePSL maziso evatsigiri venhabvu achange akatarisa kuona kuti ndeupi mubati wepagedhi achahwina mubairo weGolden Glove unove unopihwa mubati wepagedhi anenge atamba kudarika vamwe vose.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>