Pamushana yakarambira nemukombe

31 Jul, 2015 - 00:07 0 Views
Pamushana yakarambira nemukombe

Kwayedza

Abel Ndooka
CHIKWATA chePamushana High School chakarambira nemukombe weNash Stella Tea Under-17 Netball Tornament zvichitevera kukunda kwachakaita Sikhulile High yekuBulawayo 26-21 mufainari yemutambo uyu paNyameni High kuMarondera svondo rapera. Aka kaive kechina Pamushana ichitora mukombe uyu kubva mutambo uyu pawakatanga kutambwa mugore ra2012 izvo zvakaita kuti ibve yanyoresa zita rayo munhoroondo yemakwikwi aya.

Pamushana yakahwiniswa mari inosvika US$4 400, mukombe mutsva pamwe nemenduru dzegoridhe.
Mutambo uyu waive nezvikwata 12 zvakabva kumapurovhinzi akasiyana.

Pamushana yakasangana neMvutu High muquater-fainari ndokuikunda 13-5 ndokufambira mberi kupinda musemi-fainari umo yakasangana neMweya Mutsvene iyo yakakunda 17-16.

Mukuru wechikoro chePamushana anovazve mutungamiriri wesangano reNational Association of School Heads, Johnson Madhuku, anoti chikwata chavo chakagara mudenga rechinomwe zvichitevera kuhwina kwavakaita svondo radarika.

Madhuku anoti havasi kumbodzokera kumashure sezvo vave kutotanga gadziriro dzemutambo wegore rinotevera.
“Chikwata chatakatakura change chisina kusimba zvakanyanya asi chakahwina izvo zvinorakidza kuti tiri shasha chaizvo dzemutambo uyu.

“Tichaudza vakotsveri vedu vemutambo uyu kuti ngavagadzire mukombe mutsva nekuti uyu wave wedu ticharambira navo. Ticharamba tichiutora kusvika wave wedu sezvakaita wekutanga,” akadaro Madhuku.

Tsitsi Kumadiro wekambani yeTanganda iyo inokotsvera mutambo uyu akati: “Matambiro ePamushana anodadisa zvikuru zvinorakidza kuti vanokoshesa mitambo yavo.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>