Uncategorized

‘Pane nyaya, ngazviongororwe’

19 Aug, 2016 - 00:08 0 Views
‘Pane nyaya, ngazviongororwe’ Tinashe Matore (14) wekwaMatizha, kwaSerima kwaGutu, ari mudanga rine mombe yavo iyo yakabereka mhuru nhatu dzakafanana panguva imwe chete.

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
CHIREMBA wezvechivanhu wekuChiredzi, Sekuru Jonathan Shonhiwa Mupamombe, vanoti mombe ikabereka mhuru mbiri kana nhatu panguva imwe chete zvinogona kushura sezvo zvisingagare zvichitiika. Mashoko avo anotevera kubereka kwakaita mombe yemumwe murimi wekwaSerima, kwaGutu, mudunhu reMasvingo, mhuru nhatu panguva imwe chete, uye dzakafanana pazvose — ruvara nerudzi.

“Hazviwanzi kuitika zvinhu zvakadai, zvekuti panogona kuda kuti murimi ane mhou yakabereka mhuru nhatu mumhuri make munge muchiongororwa kuti makamirai sei pachivanhu uye kana pane zviripo zvinge zvichigadziriswa nenguva,” vanodaro Sekuru Mupamombe.

Asi vanotiwo zvinogona kunge zvakangoitika nenzira kwayo sekubereka kunoita vanhukadzi vana mapatya kana vanyatatu panguva imwe chete.

“Tinotarisa mativi ose, kuchivanhu zvine chirevo chinogona kunge chakaipa kana chakanaka, zvimwe chetezvo nekusainzi. Zvinotogona kukahadzisa vanhu kunyangwe paye panozvara munhu vana mapatya kana vana nguva imwe chete, zvinotoiswa mumabhuku enhoroondo nekuti zvinhu zvinoshamisa muupenyu,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>