Uncategorized

‘Pane wemhuri akaromba’

04 Aug, 2017 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Munyori weKwayedza —
VACHITAURA pamusoro penyaya yemukadzi anoti ari kuitwa mukadzi nenyoka ine musoro unenge wemunhu, Sekuru Bonface Katerere vekuUzumba vanoti zvinoda mhuri yose iripo, sezvo paine akaromba uyo anoda kupedza vamwe.

“Vanhu ava vanoda kuti vaungane vose zvinhu zviri kuvanetsa izvi zvobviswa. Kana pane varamba, zvinongoitwa vasipo asi mhiko dzikaiswa, nyaya yose inodzokera kune vakashereketa,” vanodaro.

Vanoti vanhukadzi vari kuitwa madzimai nenyoka vakanonokerwa vanoguma vave kubata mimba dzichibva kana kuita vana vachifa zvose nekutevera zvisina magumo kana kutotadza kubereka zvachose.

“Madzimai aya anoda kuzodyiswa mishonga yekugeza mudumbu nezvibereko zvavo kuti vakwanise kuita zvakanaka zvakare,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links