Paprika ine pundutso

24 Oct, 2014 - 09:10 0 Views
Paprika ine pundutso

Kwayedza

Steve Mapfumo
VARIMI vanokurudzira kuvandudza mabasa avo nekurima zvimwe zvirimwa zvakaita sepaprika sezvo ichigona kuvapa pundutso zvisinei nekuti kurimwa kwayo kwaderera zvikuru makore ano.
Kazhinji varimi vanofarira kurima mbesa dzakaita sechibage, mhunga, soya bhinzi, gorosi, fodya pamwe nekuchengeta zvipfuyo zvakasiyana.

Kunze kwazvo, dzimwe mbeu dzinowanzorimwa zvakare dzinosanganisira hanyanisi, matomatisi nepizi uye kashoma kunzwa zvakawanda pamusoro pepaprika. Kurima kwepaparika munyika kwadzikira  nekuda kwemashoko asina umboo  pamusoro pemutengo uyo unenge uchinzi wakanyanya kuderera pamwe nekuti haina misika inonyatsozivikanwa kwainotengeswa.

Zvakadaro, pandakamboshanyira dunhu reMatebeleland South nguva yadarika ndakave nekusandura kwemafungiro akadai aya ekuti kurima paprika hakuna pundutso.

Paprika yairimwa zvemandorokwati kudunhu iri iro rinonaya mvura shoma uye chirimwa ichi chaivandudzwa kuburikidza nekugadzira mafuta kubva machiri pasina chinoraswa pane zvose zvinenge zvasara.

Tsvakurudzo yakaitwa nanamazvikokota inotaridza kuti kuvandudza paprika nekugadzira zvimwe zvinhu kubva mairi kune pundutso pane kuitengesa yakadaro kunze kwenyika.

Panguva yandakashanyira dunhu reMatebeleland South iri, varimi vairima paprika vachibatsirwa nemakambani (contract farming) apo vaipihwa zvose kubvira kumbeu nemishonga.

Makambi aya ndiyo aizotenga chirimwa ichi kunzvimbo dzakasiyana izvo zvairerutsira varimi.
Zvakadaro, nekufamba kwenguva apo varimi vadiki vakange vave kurimawo paprika, varimi vakuru vakatanga kufambisa mashoko emanyepo sekuti mutengo wayo wakaderera uye haina misika yakati tsvikiti.

Mamwe mashoko aifambiswa asina umboo ndeekuti paprika inoda kurimwa panzvimbo yakakura uye zvinoda mari yakawanda.

Varimi vakuru vaizviziva kuti paprika ine mutengo wakanaka, zvose munyika muno nekunze, saka vaida kuramba vachiirima voga. Nekuda kwekuti ndivo vega vaida kurima, vaiita sekunge paprika yakashomeka munyika nechinangwa chekuti mutengo wayo ukwire.

MuZimbabwe, paprika inorimwa mumapurazi makuru inozogayiwa kuti igoiswa mune zvekudya nekudaro mutengo wayo unoenderana nekutaridzika kwayo. Dzimwe nyika dzinozivikanwa zvikuru nekurima paprika dzinoti Spain, Hungary neUnited States of America.

Zimbabwe yakamboita mukurumbira wekurima paprika yemhando yepamusoro kumakore ekuma1990’s, 2002 na2006 asi parizvino kurimwa kwayo kwakadzikira nekuda kwemamiriro ehupfumi munyika.

Paprika ichiri kutengwa kuSouth Africa nekuEurope zvichireva kuti kurima chirimwa ichi kuchiri nepundutso.
Kunyangwe zvazvo parizvino mbeu yepaprika isiri nyore kuiwana, varimi vanokwanisa kuitenga kubva kuSouth Africa kuburikidza neimwe kambani yemuZimbabwe inonzi Animal Farm Consultancy (Pvt) Ltd.
Steve Mapfumo ndiHead of Operations weZanu PF Youth League and Lasch Enterprises P/L Joint Venture. Vanokwanisa kubatika panhamba dzinoti (04) 668773 kana padandemutande rinoti: [email protected]

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey