Paramende yorumbidza Seed Co

12 May, 2017 - 00:05 0 Views
Paramende yorumbidza Seed Co

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
NHENGO dzekomiti yedare reParamende inoona nezvekurima uye kusimudzirwa kwemadiridziro svondo rapera dzakarumbidza basa guru rekuuchika mbeu dzakasiyana riri kuitwa pamuzinda weRattray Arnold Research Station kuShamva uyo uri pasi pekambani yeSeed Co.

Sachigaro wekomiti iyi – Cde Christopher Chitindi – avo vanove zvakare mumiriri weMuzarabani South mudare reNational Assembly, vanoti vanofadzwa zvikuru nehurongwa hwebudiriro huri kuitwa nekambani yeSeed Co hwekuva nemuzinda unouchikwa mbeu pamwe nemarabhoritari emhando yepamusoro ayo anoshandiswa mukuongorora mbeu.

“Hurumende inokurudzira makambani mazhinji kuti ange achiita zvirongwa zvakadai nekuti zvinobatsira mukuunza mari yekunze munyika muno kuburikidzwa nekutengwa kwembeu dzeSeed Co nekuzivikanwa kuti ndedzechokwadi munyika muno nekunze.

“Tinoda kurwisa nyaya dzekutengeswa kwembeu dzemanyepo mumisika yedu nekuti zvinodzorera kumashure nyaya dzekurima,” vanodaro.

Vanoti munguva inotevera vachaita kuti pave nehurukuro mudare reParamende yekuvandudza mutemo Seed Act kuitira kuti makoronyera anotengesa mbeu dzemanyepo pamisika yemikoto varangwe zvakaomarara kumatare edzimhosva.

Cde Chitindi vanoti zvakakosha kuti Hurumende kuti ideredze mitero yemidziyo inenge yatengwa nemakambani kunze kwenyika kuti izoita mabasa ebudiriro muno.

Mashoko avo anotevera zvinyunyuto zvakaturwa nekambani yeSeed Co apo yakati nhau dzekudhura kwemitero yekupinza midziyo kubva kunze kwenyika iri kudzorera bhizimusi ravo kumashure, zvikuru apo vanenge vari kutenga michina mikuru inoshandiswa mumarabhoritari.

Managing director weSeed Co, VaDennias Zaranyika, vanoti marabhoritari avo akakosha zvikuru sezvo achiita kuti varimi vasarasikirwe negoho kuburikidza nekuvawanisa mbeu dzakauchikwa zvemandorokwati.

“Mumarabhoritari medu tinovheneka zvirwere zvinobvira kumbeu zvichienda kuzvirimwa saka nekuda kwekusanduka kuri kuita mamiriro ekunze tiri kuona kuti zvirwere zvakawanda zviri kungonyuka saka tinogadzirira varimi mbeu kwadzo dzakakodzerana nenzvimbo dzavanorimira.

“Ndine shungu dzekuona makoronyera ayo anotengesa mbeu dzemanyepo mumisika yemikoto vachipihwa mitongo yekugara mujeri kwenguva ndefu,” vanodaro.

Vanoti vashandi vemapazi akasiyana eHurumende, madhumeni, varimisi, varimi uye vadzidzi vemumakoreji vanouya vachizofundiswa maringe nenzira dzakanaka dzekuuchika mbeu pamuzinda weRattray Arnold Research Station.

“Mitengo yedu yembeu iri kuramba yakaderera uye tiri kubura dzimwe mhando itsva dzembeu dzisingade fetereza yakawanda kuitira kuti murimi arerukirwe.

“Tinokurudzira zvakare varimi kuti vange vachishandisa lime nefetereza senzira yekusimudzira ivhu ravo,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Kurima ibhizimusi rinoda zvakare madiridziro nekuti nekuda kwekusanduka kuri kuita mamiriro ekunze mimwe mwaka inogona kushaya mvura yemudenga saka varimi vanofanira kugara vakagadzirisa nyaya dzemadiridziro,” vanodaro VaZaranyika.

Vanokurudzira varimi zvakare kuti vange vachishandisa michina yekuomesa chibage (driers) kuitira kuti chipinde mumatura chakaoma zvakanaka zvinova zvinobatsirawo kuderedza kunyuka kwezvipfukuto.

Mumiriri weGuruve North mudare reNational Assembly – Retired Brigadier-General Epmarcus Kanhanga – vanoti makoreji anofundisa nyaya dzekurima akakosha zvikuru mudzidzisa vechidiki.

“Zimbabwe inyika ine upfumi hwayo huri munyaya dzekurima nekudaro kana vechidiki vakafundiswa kurima tichasimudzira upfumi nenhaka yenyika yedu.

“Kushanyira kwataita muzinda uno weRattray Arnold Research Station kwativhura meso uye tadzidza kuti tine mikana mikuru yekusimudzira nenyika yedu.

“Nhengo imwe neimwe yeParamende iri pano ichadzokera kudunhu rayo kunodzidzisa vanhu veko maringe nezvatafunda pano, zvikuru sei kuti varimi vazive mhando kwadzo dzembeu dzakakodzera kurimwa munzvimbo dzavo. Tafunda kukosha kwefetereza, kuparadzanisa zvirimwa, kuuchikwa kwembeu nezvimwe zvakawanda,” vanodaro.

Pazuva iri, nhengo dzekomiti iyi dzakamema minda inouchikwa mbeu dzakadai semapfunde, nzungu, chibage, cow peas, makabhichi nezvimwe zvakawanda.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>