Paramende yorwisa TB

22 Jul, 2016 - 00:07 0 Views
Paramende yorwisa TB Cde Mudenda (pakati) vachisaina gwaro rekuparurwa kwechirongwa chekurwisa chirwere cherurindi nekomiti yedare reParamende inoona nezveutano apo Dr Labode (kurudyi) naDr Parirenyatwa (vechipiri kubva kuruboshwe) nemutevedzeri wavo, Dr Aldrin Musiiwa, vainge vakatarisa. - Mufananidzo: Memory Mangombe.

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
KOMITI yedare reParamende inoona nezveutano svondo rapera yakaparura chirongwa chekurwisa chirwere cherurindi (TB), zvikuru kumigodhi nekumajeri. Chirongwa ichi chakaparurwa pasi pedingindira rinoti, “Kubatanidza hutungamiriri mukupedza chirwere cherurindi”. Vachitaura pachiitiko ichi, gurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Dr David Parirenyatwa, vanoti vanhu vanofanira kuwaniswa ruzivo nezvechirwere cherurindi.

“Zvinangwa zvedu zvegore ra2025 ndezvekuti tinge tapedza chirwere cherurindi. Saka zvakakosha kuti tishande pamwe chete nenhengo dzeParamende nekuti ndivo vanogara nevanhu munharaunda vachinzwa zvichemo zvavo.

“Kana tikapakurira nhengo dzeParamende ruzivo nezvechirwere ichi, vanoenda vonopakurirawo vanhu vari mumatunhu avanomirira zvichizoita kuti vazive nekukasika vagokasika kurapwa,” vanodaro Dr Parirenyatwa.

Vanoti munzvimbo dzakaita sekumajeri nekumigodhi, chirwere cherurindi, icho chinodyidzana neHIV, chakakura zvikuru kana zvichienzaniswa nedzimwe nzvimbo dzinogara veruzhinji.

“Mumajeri umo vasungwa vanogara vakawanda musina nzvimbo dzinofambisa mweya zvakanaka mune mikana yekutapurirana rurindi. Nekudaro panofanira kutorwa matanho kuti vasungwa vose vanenge vaine zviratidzo zvechirwere ichi vavhenekwe uye kana vaonekwa vainacho vanofanira kubviswa munzvimbo dzine veruzhinji vachirapwa nekukasika kuti chisapararira.

“Mumajeri chikamu cheTB neHIV i28% kureva kuti yakapetwa tichienzanisa nemunharaunda dzine veruzhinji munova mune chikamu che14%,” vanodaro.

Dr Parirenyatwa vanoti zviratidzo zvechirwere cherurindi zvinosanganisira kukosora kusina zororo kwemasvondo maviri, kudikitira usiku nekurasikirwa nehuremu hwemuviri.

Vanokurudzira zvakare kuti kunge kuchiitwa ongororo maringe nedzimwe mhando dzechirwere cherurindi idzo dzine ukasha (drug resistant TB) pamwe nekufundiswa kweveruzhinji munharaunda.

“Chirwere cherurindi chinobata nhengo dzose dzemuviri semumapapu, mumabhonzo, mudumbu nepfungwa. Zvakakosha kuti vanhu kana vachinge vaita fungidziro maringe nechirwere ichi vaende kunovhenekwa kuti vabatsirwe nekukasika,” vanodaro.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, mutauriri wedare reHouse of Assembly (Speaker of the National Assembly), VaJacob Mudenda, vanoti zvinorwadza kuti chikamu che10% chevanhu muZimbabwe vari kufa gore negore nekuda kwerurindi.

“Vanhu vanofanira kuwaniswa ruzivo kuburikidza nenhepfenyuro, madzimudzangara uye mapepanhau emuno anofanira kunyora pamusoro penyaya dzeutano,” vanodaro.

“Tinoda kuti chirwere cherurindi chirwiswe mumajeri nekumigodhi. Nzvimbo idzi dzinofanira kushanyirwa nguva nenguva kuti vanhu vabatsirwe.

“Hurumende nevatsigiri vanofanira kuisa misoro pamwe chete mukurwira utano hwevanhu nekuti ikodzero yavo uye zvekushandisa mukurwisa chirwere ichi zvinofanira kuwanikwa muzvipatara nemakirinika ose enyika nemitengo yakaderera.”

Mukuru wechikamu cheAIDS and TB Unit kubazi rezveutano nekurerwa kwevana, Dr Owen Mugurungi, vanoti Hurumende pamwe nevamwe vatsigiri vari kurwiswa kuti chirwere cherurindi chinge chapera mugore ra2025.

“Zimbabwe iri mukati menyika sere dziri pamusoro mukutambudzwa nechirwere cherurindi. Tinoda kuti mugore ra2025 tinge taderedza huwandu uye ndufu dzinokonzerwa nechirwere ichi nechikamu che80%.

Vanoti pachine mukaha mukuru maringe nekuvhenekwa kwevana vane TB nekuda kwekushomeka kwemichina uye kudhura kwezvipatara.

Vamwe vakanyorerana gwaro rekuparurwa kwechirongwa chekurwisa rurindi ichi pazuva iri vanosanganisira Cde Mudenda, Dr Parienyatwa nasachigaro wekomiti yedare reParamende inoona nezveutano, Dr Ruth Labode.

Pasi rose, chirwere cherurindi chinonzi chiri kuuraya vanhu vanodarika 1,5 miriyoni pagore apowo imwe mhando yechirwere cheTB ine ukasha iri kushungurudza raramo yeveruzhinji sezvo ichitora nguva refu kurapa.

Zvisinei, Zimbabwe iri kutora matanho mukuwanisa varwere veTB ine hukasha mishonga yavanotora kwechidimbu chegore kana zvichienzaniswa nemakore maviri ayo vaimbotora mishonga iyi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey