Pasi rose rochema vatambi venhabvu

01 Dec, 2016 - 00:12 0 Views
Pasi rose rochema vatambi venhabvu Ndege yakauraya vanhu 76 kuColombia iyo yaive yakatakura chikwata chenhabvu chekuBrazil cheChapecoense nemusi weChipiri svondo rino. - (Sky Sports)

Kwayedza

. . .Vatambi vatatu chete vakapona

MUTUNGAMIRIRI wenyika yeBrazil, Michel Temer, vakatara mazuva matatu ekuchema zvichitevera tsaona yendege yakauraya vanhu 76 kuColombia iyo yaive yakatakura chikwata chenhabvu chekuBrazil cheChapecoense nemusi weChipiri svondo rino. Zvakadaro, zvikwata zvenhabvu pasi rose zviri kutumurira mashoko azvo enyaradzo kuBrazil.Vanhu vanokwana vatanhatu, kusanganisira vatambi vatatu – Alan Ruschel, Jakson Follman naZampier Neto – vakapona mutsaona iyi. Mubati wepagedhi, Danilo Padilha, uyo akambenge anzi akafa mupenyu uye akakuvara munjodzi iyi.

Vashandi vaviri vemundege iyi, Ximena Suárez naTumiri – pamwe nemutori wenhau Rafael Valmorbida avo vakambenge vanzi vafa vakapona mutsaona iyi zvakare. Vakafa vanosanganisira vatori venhau 21 avo vaifamba nechikwata cheChapecoense kuenda kumutambo wefainari weCopa Sudamerica waive pakati pechikwata ichi necheAtleticao kuguta rechipiri reColombia, Medellin.

Ndege iyi – yerudzi rweBritish Aerospace 146 – yaibva kuBolivia ichienda kuMedellín uye yakange yapihwa mvumo yekuti imhare asi haina kuzosvika panhandare, sekutaura kwaAlfredo Bocanegra anove mukuru weColombia Civil Aviation Authority.

Inonzi yakange isisabatike pamishina yemasai-sai anoongorora mafambiro endege kubvira pakati pehusiku. Hazvisi kuzivikanwa parizvino kuti chii chakakonzera tsaona iyi.

Mamiriro ekunze akange asina kumira zvakanaka kuine mhepo yaivhuvhuta zvikuru apo ndege iyi yakadonha kubva mudenga. Pane mashoko asina kutsinhirwa anoti tsaona iyi inogona kunge yakakonzerwa nekusafamba zvakanaka kwemoto wemagetsi mundege iyi uye kuti yakange yapererwa nemafuta ekufambisa.

Sezvo ndege iyi yakagadzirwa kuBritain, chikwata chenyanzvi chichabva kuboka reUK Air Accidents Investigation Branch chichienda kunoita ongororo yekuti chione kuti tsaona iyi yakakonzerwa nei.

Pane mibvunzo yakawanda iri kubvunzwa pamusoro petsaona iyi yekuti sei chikumbiro chekuti chikwata ichi chibve nekuBrazil, kwete nekuBolivia, chakarambwa nevakuru vanoona nezvekufamba kwendege kuBrazil. Kusamira zvakanaka kwemamiriro ekunze kwakakanganisawo kubatsirwa kwevakawirwa nenjodzi sezvo kwakambomiswa nekuda kwemvura yainaya zvikuru.

Mifananidzo yakatorwa inotaridza avo vaibatsira panjodzi iyi vachitakura mitumbi yevanhu yakachekwa-chekwa mutsaona iyi. – Sky Sports.

Share This:

Sponsored Links