Uncategorized

‘Pedzai rusarura kuvatori venhau’

17 Mar, 2017 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
VARI mubasa rezvenhau vari kukurudzirwa kutora matanho ekuenzanisa mikana pakati pevanhurume nevanhukadzi uye kuona kuti vose vakachengetedzeka pavanenge vachiita basa ravo.

Mashoko aya akataurwa pamusangano wevatori venhau uyo wakarongwa nesangano reZimbabwe Union of Journalists (ZUJ) muHarare nguva pfupi yadarika nedonzvo rekunzvera nyaya dzekuenzaniswa kwemikana pakati pevanhurume nevanhukadzi uye kuchengetedzeka kwavo pabasa.

Achitaura pamusangano uyu, munyori mukuru weZUJ – Foster Dongozi – anoti zvakakosha kuenzanisa mikana pakati pevatori venhau vechidzimai nevanhurume.

“Nyaya dzekuenzaniswa kwemikana pakati pemadzimai nevarume dzakakosha zvikuru nekuti dzinobatsira kuti matambudziko emativi ose ange achinzwikwa nekugadziriswa zvakaenzana. Muindasitiri yezvekutapwa kwenhau, tinoona kuti vanhukadzi vane zvigaro zvepamusoro vachiri vashoma kana zvichienzaniswa nevarume. Asi nekuda kwedzidziso dziri kuitwa nemapoka akasiyana, tinoona paine shanduko huru,” anodaro.

Anoti ZUJ – ichitsigirwa nemasangano akaita seNorwegian Union of Journalists neInternational Federation of Journalists – ine zvirongwa zvakawanda zvairi kuita kubatsira vatori venhau, kusanganisira vakaremara mitezo.

“Tiri kushanda nemasangano akasiyana kuti tibatsire vamwe vedu vakaremara mitezo. Vamwe tiri kuvatengera mawiricheya nekubhadhara mari dzevana dzechikoro zvisinei nekuti vazhinji vavo havana kusununguka kudurwa nemazita avo asi tiri kuita basa guru rekuti tibatsirane navo.

“Tinoda zvakare kubvisa nyaya dzerusarura kuvatori venhau vakaremara,” anodaro Dongozi.

Mutapi wenhau webepanhau reThe Chronicle – Pamela Shumba – ari zvakare nhengo yeSouthern African Journalists Association (SAJA), uyo aive mumwe wevatauri pagungano iri, anoti indasitiri yekutapa nhau inofanira kutsigirwa kuitira kuti vanhukadzi vashande vakasununguka.

“Vatori venhau vari panyatwa yekurohwa, kubatwa chibharo, kutapwa, kupondwa kana kusungwa apo vanenge vachiita basa ravo. Saka tinokurudzira kuti vange vachizvichengetedza zvakasimba.

“Pamunenge muchitsvaga nyaya dzenyu, onai kuti muri panzvimbo dzakachengetedzeka uye vakuru venyu vebasa ngavazive pose pamunenge muri.

“Paye panenge pachiitwa nyaya dzemhirizhonga, onai kuti hamuzobatanidzirwi nevapari vemhosva. Unogona kugumisira wakandwa mujeri asi iwe wanga uchiita basa rako,” anodaro Shumba.

Anoti kana vanhukadzi vakatsigirwa mubasa ravo, vanogona kuita zvikuru zvinosimudzira nyika.

Shumba anotizve panofanirwa kutorwa matanho ekuchengetedzawo vanhukadzi kuti vasambunyikidzwe pabasa nenzira dzakasiyana.

Vatori venhau, anodaro, vanofanira kupa mucherechedzo wakanaka kune veruzhinji.

“Isu sevatori venhau, tisu ziso renyika uye chese chatinoita chinotariswa. Zvakakosha kuti tive mucherechedzo wakanaka kuitira kuti kunyangwe nyaya dzatinonyora dzinge dzichitambirwa neveruzhinji,” anodaro.

Pamusangano uyu, vatori venhau vakakurukurawo pamusoro pemari dzavanotambira vachiti dzinofanirwa kuwedzerwa kuitira kuderedza nyaya dzekutambira chiokomuhomwe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey