Perekedzai madzimai enyu kusikero: zinpa

01 Oct, 2015 - 00:10 0 Views
Perekedzai madzimai  enyu kusikero: zinpa Mbuya Agness Carson

Kwayedza

SANGANO rinomirira machiremba echivanhu nemaporofita, reZimbabwe National Practictioners Association (ZINPA), riri kukurudzira vanhurume kuti vaende kunoongororwa utachiona hweHIV pamwe chete nemadzimai avo, zvikuru panguva iyo vanenge vakazvitakura.

Mashoko aya akataurwa naMai Agness Carson (59), avo vakafanobata chigaro chemukuru wesangano iri, vanoti zvakakosha kuti murume nemudzimai wake vavhenekwe utachiona hweHIV vari pamwe chete.

“Zvakakosha kuti murume nemukadzi wake vaongororwe ropa pamwe chete sezvo izvi zvichivabatsira kuziva pavamire. Ndinorumbidza chirongwa chiri kuda kutangwa nebazi rezveutano nekurerwa kwevana, chekufamba vachipa chenjedzo kune veruzhinji pamusoro peHIV neAids uye kuongorora ropa kune avo vanenge vachida,” vanodaro.

Vanokadzi vanenge vakazvitakura vagara vachikurudzirwa kuti vapote vachienda kunoongororwa utano hwavo nguva nenguva kuzvipatara kana kumakiriniki, kuya kunodaidzwa nevazhinji kuti “kusikero”.

Mai Carson vanoyambirawo madzimai kuti vaende kunonyoresa mimba dzavo kuzvipatara nekumakirinika nguva iripo.

“Sekumusha kwandinogara, munoona kuti mamwe madzimai akazvitakura vanouya mimba dzave kuvarwadza vaine mabhagidhi echibage, huku, nezvimwe vachikumbira kusunungutswa nanambuya nyamukuta nekuti varume vanenge vasina kuvapa mari yekunyoresa kuzvipatara kana kumakiriniki.

“Ndinotaura izvi semunhu ane ruzivo, anosunungutsawo sezvo ndichigara kumusha kwaShe Bunina, kuLower Gweru.”

Vanoshora vamwe varume vanorega madzimai avo achishanda basa rakaomarara panguva iyo vanenge vakazvitakura.

Mai Carson vanoshoropodzazve machiremba echivanhu pamwe nemaporofita avo vanoda kusunungutsa madzimai anenge aine pamuviri asi vasina ruzivo rwakakwana rwekuita izvi.

“Ndinoti kumachiremba ose echivanhu vanova nhengo dzesangano redu reZINPA ngavapote vachienda kunoita zvidzidzo zvehutsanana,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey