Perez aisada Ronaldo

14 Nov, 2014 - 00:11 0 Views

Kwayedza

CRISTIANO Ronaldo aisadiwa kutengwa nemutungamiri weReal Madrid Florentino Perez, sekutaura kwaRamon Claderon uyo akatsiviwa pachigaro ichi naPerez.

Perez aida kukanzura kutengwa kwaRonaldo uyo akatengwa nemari inopfuura 80 miriyoni Euros kubva kuManchester United, sekutaura kwaCalderon uyo akaita hurukuro dzekutenga mutambi uyu asati abva pachigaro chehutungamiri.

Chizvarwa chekuPortugal ichi chakazoenda kuReal mugore ra2009, ndokutamba nhabvu inodakadza mwaka wadarika apo vakahwina La Decima muChampions League uye akahwina mubairo weEuropean Golden Shoe. Florentino paakagadzwa pachigaro ichi apo akauya kuchikwata chino, aida kukanzura hurukuro idzi. Aifunga kuti dhiri iri raidhura, Aiziva kuti aive mutambi anogona asi aifunga kuti mari yacho yaidiwa yainge yakawandisa zvikuru. Ndiro dambudziko raive pakutanga naCristiano, ndiani aimbozviziva?”

Achitaura nezvenguva apo aitungamira chikwata ichi paakatanga hurukuro dzekutenga Ronaldo, Calderon akati, “Yaive nguva yainge yakaoma zvikuru. Panguva yataikurukura nezvekondirakiti ndakataura naDavid Gill (aimbove chamangwiza weUnited) pamusoro pekutitengesera mutambi uyu vakati kwete.

“Vakati, ‘hatisi kutengesa Cristiano, hatidi kuti aende’ zvinove zvinonzwisisika. Asi mutambi uyu aida zvekuenda. “Taive muhurukuro kwemakore maviri chaiwo”.

Calderon akataura zvekare nezvenguva iyo Ronaldo akagara kuManchester asati auya kuMadrid.

“Aifanirwa kuuya mumwaka wa2008-09. Akandifonera akati ‘president’ ruregerero asi handisi kuuya gore rino, ndine zvandakarangana naSir Alex Ferguson uye anoita sababa vangu mumutambo uyu. Musatye ndichauya gore rinotevera,” akadaro. — Sky Sports News.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey