Pfambi yakakwatura zvose Chikomba nemukadzi wacho

24 Feb, 2017 - 00:02 0 Views
Pfambi yakakwatura zvose Chikomba nemukadzi wacho

Kwayedza

Tafadzwa Mutsotso —
SHAMWARIKADZI inonzi yakamuka chibhebhenenga ndokurikita chikomba pamwe chete nemudzimai wacho mushure mekunge murume uyu avadhumanisa kubasa.

Izvi zvakabuda mudare reHarare Civil Court apo Biggie Nyasumbe akamhan’arira mudzimai wake – Edylyn Mapise – achimupomera mhosva yekumushungurudza.

Nyasumbe akati Mapise ane tsika yekumutevera basa kwake achiita mhirizhonga.

“Handina rugare nemukadzi uyu. Anouya kubasa achikonzeresa ruzha uye kundifungira zvisina basa. Akandiudza kuti anoda kuzviuraya zvekuti dzimwe nguva vanhu vanotomubatirana akarara mumugwagwa wemotokari achiti anoda kutsikwa afe,” akadaro.

Akaenderera mberi achiti: “Zvinondikanganisa nekuti munhu akadai anogona kungoisira mhuri yose poizeni muchikafu tikafa. Saka chikumbiro changu ndechekuti dare rimurambidze kuita zvinhu zvinokanganisa runyararo rwemumba nekuti vana vedu vachiri vadiki.”

Mapise akaudza dare kuti murume wake ndiye anotomushungurudza.

“Murume uyu zvaari kutaura zvose manyepo. Nyaya yakaitika ndeyekuti baba ava vakanga vave nesvondo rose vasingauye kumba kana kufona kuti vari kupi. Saka ini ndaimufonera nekuti ndaida kumuudza kuti kumba hakuchina chikafu asi aisadaira runhare rwake.

“Ndakazomuka rimwe zuva ndikaenda kubasa kwake – kwete kunomutuka kana chii – asi ndaitoda kuti ndione kuti ariko here. Ndakasvika, handina kana kumboita ruzha ndakatogara naye pasi ndikamuudza zvaidiwa nevana. Ndakamumirira kusvika pakuenda kumba.”

Mapise akati pakakwana nguva yekuti murume wake achienda kumba apedza basa, ndipo pakabva pasvika shamwarikadzi ine kumba kwaakange ave kugara.

“Pakuenda kumba, ndipo pfambi yake ine kumba kwaaienda pose apa asingauye kumba yakabva yasvikawo. Yakamira pamberi pemotokari zvekuti murume wangu haana kukwanisa kufambisa mota.

“Paakaburuka ndipo akabva atanga kurikitwa nepfambi yake iyo yakazondibatanidzira ikatondimara kumeso kwangu zvekuti mavanga ose aya ndiye,” akadaro Mapiye achiratidza mavanga ari kumeso kwake.

Mutongi Sharon Rakafa akapa Nyasumbe gwaro redziviriro ndokuti kana Mapise achida rake akasununguka kuisawo chikumbiro chake kudare.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey