Chibage chakwira mutengo

16 Dec, 2013 - 16:12 0 Views
Chibage chakwira mutengo

Kwayedza

HURUMENDE yakatenderana nekuti mutengo mutsva wechibage wemwaka wa2014/15 unge uchienda paUS$390 patani yoga-yoga kubva paUS$378

Mutengo uyu ndiwo uchange uchitengwa nawo chibage nekambani yedura renyika yeGrain Marketing Board.

Zvakadaro, varimi vari kutsutsumwa nemutengo mutsva wechibage uyu vachiti waifanira kusvika pa$420 patani yoga-yoga.

Gurukota rebazi rezvekurima nekuvandudzwa kwemadiridziro, Dr Joseph Made, vakati dare reCabinet rakabuda nemutengo uyu mushure mekutarisa nhunha dzevarimi nevatengi vechibage zvekare.

“Mutengo uyu wakatenderanwa mushure mekunge Cabinet yanyatsoongorora kuti varimi vakabatsirikana zvakanaka zvikuru pasi pechirongwa che$1,6 miriyoni chemari yezvekushandisa chePresidential Smallholder Input Scheme. Cabinet inofara zvikuru kuti imba imwe neimwe inge ine kudya kwakakwana uye ichitarisa zvekare nematambudziko ari kusanganikwa nawo nevarimi ezvekushandisa saka ine shungu dzekuvatsigira kuti varambe vachidzokera kuminda,” vakadaro.

Dr Made vakati Hurumende yakazvipira kubhadhara varimi vachaendesa chibage chavo kuGMB nenguva.

“Bazi rezvemari rinofanira kugara rakaisa mari parutivi kuburikidza nebazi rezvekurima kuitira kuti GMB ikwanise kubhadhara varimi. Hurumende yakapa zvekare chikumbiro chekuti titsvake mbeu yakaringana nefetereza kuti zvinge zviri muzvitoro zvese zviri pedyo nevarimi kuitira kuti vange vachigadzirira mwaka wekurima unotevera,” vakadaro.

Dr Made vakati varimi vefodya vazhinji vari kukwanisa kutenga zvekushandisa mushure mekutengesa fodya yavo kumisika zvinova zvimwe chete zvinofanira kunge zvichiitika kuvarimi vechibage.

Vakati kuwaniswa kwezvekushandisa zvekurimisa kuvarimi harizi basa reGMB asi kuti remakambani anogadzira nekutengesa zvakaita sefetereza nembeu.

“Tinooda kuona kuti murimi abhadharwa zvakasimba kuitira kuti tigopemberera chirongwa cheZim-Asset. Kubhadharwa kwevarimi nekukasika kunobatsira kuti vasatengerwe nemitengo yepasi nevatengi vemumikoto,” vakadaro.

Dr Made vakati vari kufadzwa nemutengo mutsva wechibage uyu ndokupa kutenda kudare reCabinet mukukasika kutarisa nhunha dzavarimi vechibage panyaya dzemitengo nenzira dzekubhadharwa.

Vakati varimi vane zvirimwa zvidiki vanokwanisa kutangisa kuzviendesa kuGMB vakamirira Hurumende kuti itare mitengo yazvo.

Zvakadaro, mitengo yezvirimwa zvidiki iri kutarisirwa kunge iri pamusoro kana zvichienzaniswa newechibage.

Zimbabwe iri kutarisira kuwana goho rakanaka rechibage mwaka uno zvichitevera mahekita 1 655 366 akadyarwa ayo anogona kuburitsa matani 1,6 miriyoni egoho.

Share This:

Sponsored Links