Madzibaba Ishmael ari kunyeba zita rake

0 Views

Kwayedza

VAMWE vevanhu vanonamata nemuporofita weJohane Masowe weChishanu kuBudiriro 2, muHarare, vanoti zita riri kutaurwa rekuti Ishmael Mafuni ndere kunyepa sezvo rake chairo achinzi ISHMAEL CHOKURONGERWA uye anobva kwaMUREHWA, kwete kuHwedza kana kuMhondoro sezviri kubuda.

Gore rapera, Kwayedza yakaita nyaya dzemurume uyu apo aitaurwa naye achizviti Ishmael Chokurongerwa, kwete Mafuni sezvave kubuda mushure mekunge vanhu vepasowe rake varwisa mapurisa nevatori venhau.

Madzibaba James (49), avo vaimbonamata pasowe iri ndokuzobuda, vanoti Ishmael haanzi Mafuni.

“Ini ndaiva mudare wake kwemakore akawanda, ndisu takatovhura sowe iri naNehemiah. Ishmael uyu akauya achibva kuchechi yekwaMugodhi mugore ra1999 apo isu takanga tavamba sowe iri mugore ra1998 muna June.

“Surname yake ndiChokurongerwa uye zita riri kubuda ndere manyepo sevanhu vakapisa zvitupa. Hamuna zvamunogona kuita nekuti hamuzvizive, endai kwaRegistrar (General) munowana chokwadi chandiri kutaura ichi,” vakadaro.

Vanoti Madzibaba Ishmael akazobatwa nemweya mugore ra2003 apo Nehemiah akafa mukupera kwegore iri achiita zvekuzvisungirira, Ishmael akabva atanga kutungamira sangano iri.

“Sowe iri takarivamba tiri vanhu vaisanganisira inini, Steven, Ancelem Ndava, Nehemiah, Makhosin naMartin Magwagwe. Painamatwa nguva iyi kwete mahumbwe atave kuona aya.”

Kwayedza yakashanyira kuBudiriro svondo rino ikanosvika pamba paMadzibaba Ishmael, panhamba 17088 Budiriro 4B, apo pairatidzika sepadongo, pasina vanhu.

Mumwe wevavakadzani vaMadzibaba Ishmael, Mai Grace Makavi (42), vakati vana vepamba apa vatatu vakagumisira kuenda kuchikoro gore rapera.

“Pamba apa pava nemasvondo maviri pakakiiwa, hamheno kwavakaenda. Nyaya inotirwadza ndeye kuti vakaregesa vana chikoro,” vakadaro Mai Makavi.

Mai Magarate Gondo (40), vepanhamba 17080 kuBudiriro 4B, vanoti Madzibaba Ishmael nemukadzi wake vane vana 6 uye mukuru wacho akaroodzwa ari Form 2.

“Nyaya iyi inonetsa nekuti vanhu ava zvavanoparidza handizvo zvavanoita. Vanoti vanhu vasashandise macellphone, vasarare pamibhedha asi ivo vaiva makasitoma edu makuru chaiwo emajuice cards uyewo mumba mavo ndakamupinda ini, Mai Chokurongerwa vachirwara, ndikavaona varere pamubhedha,” vakadaro Mai Gondo.

Nyaya yekunzi vanoshandisa nharembozha nezvimwe zvavanorambidza vamwe vesowe ravo yakatsinhirwa naMadzibaba Peter.

“Munhu uyu itsotsi chairo, ini ndaitombova nenhamba dzake dzefoni ndikazodzibvisa ndabva kuchechi kwavo.

Redhiyo chaiyo nemaTV vanazvo, chaakaita chete kuregesa vana vake chikoro vachiti ndeche vachena. Zvimwe zvinhu zvinounganidzwa kuchechi zvichinzi zvave kunopiswa anotora nevamwe vake vachinotengesa imi muchiti zvanoraswa,” vakadaro Madzibaba Peter.

Mumwe wevanhu vainamata pasowe iri anonzi akasvikotaurirwa “nemweya” kunzi arege kudzokera kuSouth Africa uko aishanda uye anonzi mumwe wevanhu vakasungwa zvichitevera mhirizhonga yakaitika pasowe iri svondo rapera.

Share This:

We value your opinion! Take a moment to complete our survey