Pique oshora vatsigiri

24 Feb, 2017 - 00:02 0 Views
Pique oshora vatsigiri

Kwayedza

MUTAMBI weBarcelona – Gerard Pique – oshoropodza vatsigiri vechikwata chavo avo vange vachishora maneja wavo, Luis Enrique, nevatambi vacho zvichitevera kuhwina kwavakaita 2-1 svondo radarika apo vakakunda Leganes mumutambo weLa Liga.

Mutambo uyu ndewe kutanga Barca ichihwinha zvichitevera kurakashwa kwayakaitwa zvinopisa tsitsi 4-0 neParis Saint-Germain mumutambo weChampions League Last 16.

Pique – uyo akahwina World Cup nechikwata chenyika yake mugore ra2010 uye mutambo weEuropean Championships neSpain muna 2010 – akataura nemusi weMuvhuro kuti vatambi pamwe nevatsigiri vane chikwereti chikuru kune murairidzi weBarca uyu.

Izvi zvinotevera kuunza kwaakaita mikombe yakawanda kubva zvaakagadzwa pachigaro chinopisa ichi mugore ra2014.

“Pakauya Luis Enrique taive marara chaiwo,” Pique akadaro.

“Ndinoda chaizvo kuti murangarire basa raabata kuchikwata chino uye nezvose zvaakaita achiri mutambi.

“Handinzwisise kungoshoporodzwa kwaari kuitwa kuti kuri kubvepi, mune hangwana!

“Takakwanisa kuhwina mikombe misere kubva pa10 yataikwikwidza nemurairidzi uyu. Tinaye kusvika kumagumo chaiko.”

Mimwe yemikombe yakahwinwa naEnrique achirairidza Barcelona inoti La Liga, Copa del Rey neChampions League mugore ra2014-15. Vakahwina zvakare La Liga neCopa del Rey gore radarika. Gore rino Barca yasvika kufainari yeCopa dey Rey.

“Tichiri nemukana wekuhwina mikombe mitatu mwaka uno asi muChampions League tine gomo guru rekukwira,” Pique akadaro. – Daily Mail Football.

 

Share This:

Sponsored Links