Promics onoridza kuAustralia

22 Jul, 2016 - 00:07 0 Views
Promics onoridza kuAustralia

Kwayedza

Abel Ndooka
MUIMBI wehip-hop, Bonnie Goredema, uyo anonyanya kuzivikanwa nezita remadunhurirwa rekuti Promics akagara mudenga rechinomwe zvichitevera kudanwa kwaakaitwa kuti anoridza kunyika yeAustralia muna Nyamavhuvhu. Promics, uyo ane mukurumbira zvichitevera kambo kake kanonzi ‘God over everything’ ako kane vhidhiyo riri kunonetsa zvikuru, anoti ari kunoridza kuMelbourne kunyika iyi musi wa15 Nyamavhuvhu.

Anoti akawana mukana uyu zvichitevera kushanda kwaakaita nemumwe muimbi anogara kuAustralia anonzi Victor Chatikobo uyo waakaimba naye kambo ‘Sarah I love you’. Promics anoti kunoridza kuAustralia mukana mukuru kwaari uyo waachashandisa kusimudzira mureza weZimbabwe pamwe nekurakidza pasi rose kuti muno mune vaimbi vehip-hop vanogona zvikuru.

“Zvinofadza kuwaniswa mukana wekunoridza kunyika dzakaita seAustralia ndiko kunobikwa hip-hop yose. “Ini ndakawaniswa mukana wangu wekunoridza mushure mekunge ndashanda neshamwari yangu yandakadzidza nayo inonzi Victor Chatikobo uyo anogara kunyika iyi saka patakaimba tose akabva andidana kuti ndiuye kuzoridza naye.

“Ndichavarakidza kuAustralia ikoko kuti muZimbabwe tave kukwenyawo mhanzi yehip-hop inonakidza zvikuru,” anodaro Promics. Muchinda uyu anozivikanwa zvakare nedzimwe nziyo dzake dzakaita mukurumbira dzinosanganisira Zim-freedom naAfrica.

Share This:

Sponsored Links