Prophet Madungwe ogera vanhu vhudzi

21 Jul, 2017 - 00:07 0 Views
Prophet Madungwe ogera vanhu vhudzi

Kwayedza

— ‘Wose wandinogera anoropafadzwa’ — ‘Pfuma inotokumbirwa kuna Mwari’

Kingstone Mapupu —
MUPOROFITA wekuita mbiri achiti akaenda kudenga kakawanda achinoita misangano naMwari uye kuti akasunga Satani, anoita basa rekugera vanhu vhudzi muguta reHarare senzira yekutsvaga kurarama.

Prophet Talent Madungwe (31) – uyo anozviti akagadzwa naMwari kuti ave deputy heavenly army commander – akashanyirwa neKwayedza svondo rino ndokuwanika akamirira makasitoma panzvimbo yaanogerera vanhu iri pa65 Mbuya Nehanda Street.

Prophet Madungwe mukuru wechechi yeExile Desire of All Nations uye anoti basa rekugera vanhu vhudzi harina kungouya, asi kuti izodzo yakabva kuna Mwari iyo yaakapihwa sekutendwa kwezvaari kuita.

“Ukaita zvinoda Mwari vanokuropafadza sezvandakaitwa. Ndakaenda kudenga katatu ndikanosangana navo Mwari mbune, vakazouya muno muZimbabwe ndikadya navo nyama. Nhasi uno vakandipa simba rekusunga Satani uyo ari muchizarira izvozvi.

“Nebasa randakaita iri, Mwari vakandipawo bhizimisi rekugera, ndava nebarber nemumwe wangu wandisingagone kudoma nezita. Mari iri kuuya, handishore,” anodaro Prophet Madungwe.

Anoti basa rekugera akaritanga mumwedzi waZvita gore rapera apo akazarurirwa nemweya munyaya dzekuwana mari. “Pfuma inotokumbirwa kuna Mwari, haingouyi yoga. Tine vashandi vasere pamwe chete vanosanganisira vanogera, vanopema, vanogadzira mhotsi nezvimwe zvakawanda,” anodaro Prophet Madungwe.

Anoti zvigero zvavo zvakaropafadzwa nekudaro wose anenge agerwa mubarber yavo anowana maropafadzo.

“Ukasvika pane muzodziwa waMwari, pangava pamba pake kana mubasa rake zvakangofanana nemuchechi, unobva waropafadzwawo. Ndizvo zvimwe chete nepano patinogerera.”

Prophet Madungwe anoti vamwe vavanogera vanobatwa nemadhimoni nemimwe mweya yetsvina uye vanobva vavabatsira ipapo.

“Pane nguva yakawanda apo tinoguma tambomira kugera tonamatira vanhu tichiburitsa madhimoni. Izvi zvinoitika kunyange vanhu ava vachigerwa nevamwe vangu nekuti simba raMwari rakazara muimba yatinoitira basa. Asi kune vamwe vanongouya kuzogara vasingagerwe kana kurukwa vachida kuona munhu waMwari,” anodaro Prophet Madungwe.

Obvunzwa neKwayedza kuti Satani waanoti akasunga haana kumugerawo here kuti aende kuchitokisi akatsvinda musoro wake, Prophet Madungwe anoti havana kuwana nguva iyoyo sezvo vaimhanya naye kunomuchengetedza panzvimbo yake nekuda kwemhosva dzaakapara.

Zvakadaro, vamwe vanhu vakataurwa navo panzvimbo iyi vanoti Prophet Madungwe anoratidza kuti upenyu hwakamuomera.

Asi Prophet Madungwe anoramba mashoko aya achiti: “Ndingagonzi munhu akaomerwa ini ndava neshopu yangu muHarare mune mari yose? Vangani vanoshuvira kusvika muHarare vasina kumbobvira vakakunhuhwa kana kuti vanoda kuita mabhzimisi aya vachitadza? Ini ndiri kupfura mari pacho pa’hasha’ handina kuomerwa. Mwari vakavimbisa kundiitira zvikuru.”

Prophet Madungwe anoti anotarisira kuroora munguva pfupi iri kutevera kuti azadzikise vimbiso yaakapihwa naMwari.

Anorambawo mashoko anotaurwa nevamwe vanhu ekuti iye murwere wepfungwa.

“Zvinhu zvaMwari zvinongoda vemweya kuti vazvinzwisise, kuparidza chaiko uchichema vamwe vanogona kukuti unopenga.”

Share This:

Sponsored Links