PSL: SHASHA DZACHO

27 Nov, 2015 - 00:11 0 Views
PSL: SHASHA DZACHO

Kwayedza

CHICKEN Inn ingakwanise here kuchengetedza mukombe weCastle Lager Premier Soccer League uyo wayakabvutira Dynamos mushure mekukunda Harare City 3-1 svondo rapera? Uyu mubvunzo uri pamiromo yevakawanda vanotevedza mutambo wenhabvu.

Kubva mugore ra1980, mukombe wePSL watorwa nezvikwata zvakasiyana uye Dynamos ndiyo iri kutungamirira sezvo yautora ka16.

DeMbare, sezita remadunhurirwa reDynamos, inoteverwa Highlanders iyo yakwanisa kuhwina mukombe uyu ka7 uyewo CAPS United yauhwina katatu.

Vatsigiri venhabvu vanowanzoziva mukombe wePSL uchirwirwa nezvikwata zvitatu zvinoti Dynamos, CAPS neHighlanders asi makore adarika zvange zvisanduka.

Kubva 1980 pane zvimwe zvikwata zvine chitsama zvahwina mukombe uyu, kusanganisira Chicken Inn.

Svondo rino Kwayedza yakaita ongororo yekuona kuti zvikwata izvi zvakaendepi.

BLACK RHINOS (1984 na1987):

Chauya Chipembere chikwata chakambonetsa zvikuru muPSL chichitambirwa nevatambi vakaita saJaphet “Short Cat” Muparutsa, Enerst “Mr Cool” Mutano, Nesbert “Yabo” Saruchera, Maronga “The Bomber” Nyangela naStanley “Sinyo” Ndunduma. Chauya Chipembere chakahwina mukombe uyu mugore ra1984 na1987.

Black Rhinos kubva payakapedzisira kuhwina mukombe uyu yange ichingopinda pamwe nekuburitswa muPSL.

Iye zvino Rhinos iri kutambira nhabvu muNorthern Region Division One zvichitevera kuburitswa kwayakaitwa muPSL mugore ra2014.

ZIMBABWE SAINTS (1988):

Chauya Chikwata, sezita remadunhurirwa reZimbabwe Saints, munhorowondo yayo yakakwanisa kuhwina mukombe wePSL kaviri muna 1977 na1988. Asi muongororo yedu kubvira 1980 chikwata ichi chakahwina kamwe chete.

Zimbabwe Saints yakamuka chibhebhenenga mugore ra1988 apo yakatamba mitambo 23 yePSL ichinetsa kukunda panove payakahwina mukombe uyu ichitungamirirwa naRoy Baretto.

Zvisinei, kubva payakatora mukombe uyu, yakange yave kungotatarika uye yakazoburitswa mugore ra2011. Pari zvino Zimbabwe Saints yakambomiswa kutamba nhabvu kuZifa Southern Region Division One mushure mekunge yatadza kubhadhara mari yekuve nhengo.

BLACK ACES (1992):

Black “Shaisa Mufaro” Aces yaityisa zvikuru apo yaitambira mitambo yayo kunhandare yeGwanzura iri kuHighfield, muHarare.

Chikwata ichi chakazoburitswa muPSL mugore ra1999.

AMAZULU (2003):

Amazulu yakavambwa mugore ra1996 kuBulawayo. Chikwata ichi chakahwina mukombe wePSL muna2003 asi mugore ra2005 chakadzingwa mushure mekunge charamba kutamba mutambo wacho neMotor Action chichipa chikonzero chekuti chaisakwanisa kutamba musi weMugovera nekuti raive zura racho reSabata.

Zvichitevera chiitiko ichi, Amazulu yakatemerwa zvirango zvakasiyana nePSL izvo zvakaiona ichiburitswa uye ndipo payakabva yaparara.

MONOMOTAPA (2008):

Monoz yakazviita mugore ra2008 apo yairairidzwa naNorman Mapeza.

Kubva payakahwina mukombe uyu, makore akatevera yakange yave kutatarika zvikuru kusvika yazoburitswa muPSL muna 2013.

Kubuda kwakaita Monoz muPSL vatambi vayo vazhinji vanosanganisira Ronald Chitiyo, Kuda Musharu naPraise Tonha vakabva vaenda kune zvimwe zvikwata kunove ndiko kuparara kwayakaita. Aimbove sachigaro wechikwata ichi, Joseph Mukoki, akambobuda achiti aigadzirira kukwikwidza muDivision One mugore ra2014 asi hazvina kuzoitika.

GUNNERS (2009):

Moses “Bambo” Chunga akanyaradza zvikwata zvizhinji apo akatungamira Gunners kunosimudza mukombe wePSL mugore ra2009.

Chikwata ichi chaive nevatambi vanosanganisira ava kutungamirira maWarriors, Willard Katsande, uyo anotambira Kaizer Chiefs yekuSouth Africa, Ramson Zhuwawu naTafadzwa Dube.

Asi kubva kwakaita Chunga kuchikwata ichi ndipo pachakatanga kudzikira kusvikira chazoburitswa muPSL muna2012.

Pari zvino Gunners yave kutambira nhabvu yayo muNorthern Region Division One umo iri kurwira kudzoka muPSL uye yave kuzivikanwa seYadah Gunners, iri pasi paProphet Walter Magaya.

MOTOR ACTION (2010):

Joey “Mafero” Antipas akahwina mukombe wake wekutanga wePSL ari murariridzi weThe Mighty Bulls mugore ra2010. Mafero akaramba ari kuchikwata ichi kusvika akazosiya basa chave pedyo nekuburitswa muPSL muna2013.

Kuburitswa kwakaitwa The Mighty Bulls muPSL ndiko kuparara kwakabva kwaita chikwata ichi sezvo varidzi vacho – Eric Rosen nemudzimai wake – vakange vamomoterwa nezvikwereti.

CHICKEN INN (2015):

Mafero akazviita kechipiri gore rino mushure mekutungamira Chicken Inn kana kuti maGamecocks kuhwina mukombe wavo wekutanga wePSL.

Chicken Inn yakapinda muPSL mugore ra2011 uye makore ayagara muPSL yange ichingovaka kusvika yazohwina mukombe uyu.

Maziso achange ari pachikwata chaMafero kuti chicharambira nemukombe uyu mwaka unotevera here kana kuti ichafamba mumatsimba ezvimwe zvikwata zvakaita seMotor Action, Gunners, Monomotapa, Amazulu, Black Aces, Black Rhinos neZimbabwe Saints.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>