PSL yadzoka zvine mutsindo

18 Sep, 2014 - 18:09 0 Views
PSL yadzoka zvine mutsindo KELVIN Kaindu

Kwayedza

KUCHANGE kusingadanwe anonzwa svondo rino mumitambo yeligi reCastle Lager Premier Soccer League apo richasimudzira zvichitevera kumiswa kwarakamboitwa svondo radarika nekuda kwemitambo yeChibuku Super Cup quarter-finals.
Zvikwata zviri pamusoro peligi zvakaita seDynamos FC, Highlanders, ZPC Kariba pamwe neCAPS United zviri kufemerana mugotsi nekuti zvese zviri kurwira mukombe uyu.

Kozotiwo zviri pasi zvinoti Chiredzi FC, Bantu Rovers, Shabnie Mine pamwe neBlack Rhinos zviri kufanirwa kukwidziridza masokisi azvo kana zvisingade kudzorerwa kuDivision one.
CAPS United vs How Mine
Svondo rino maziso mazhinji achange ari pamutambo weCAPS United apo ichasangana neHow Mine.
Zvikwata zviviri izvi svondo radarika zvose zvakaburitswa mumutambo weChibuku Super Cup izvo zvakavarwadza vatsigiri vazvo.

Kepe-kepe yakakundwa neFC Platinum 1-0 mumutambo wakatambirwa kuMandava Stadium kuZvishavane kozotiwo How Mine ‘Chikurupati’ yakarakashwa 3-1 neBosso.

Mutambo uyu wakakoshera zvikwata zvese uye Kepe-kepe inoziva kuti kana ichida kurwira mukombe weligi inofanirwa kuhwina.

FC Platinum vs Dynamos
FC Platinum svondo radarika yakahwina tikiti rekupinda musemi-final yeChibuku Super Cup mushure mekunge yakunda Kepe-kepe uye ichasangana neDynamos FC kuMandava svondo rino musi weMugovera.

Masvondo maviri adarika, Platinum kana kuti ‘Kugona kunenge kudada’ yakarakasha Kepe-kepe kaviri  ndokusimudza mukombe weZNA Charity Cup apo yakahwina 6-0 ukuwo DeMbare yakazvambaradza Bosso mumutambo weTM Pick n Pay Challenge Cup apo yakahwina 4-1.

DeMbare iri kutandanisa nhoroondo nekuti inoda kuhwina ligi kechina mumakore akatevedzana saka inoziva kuti inofanirwa kubata basa apo iri kunanga kuZvishavane.

Harare City vs Highlanders
Kekutanga mumwaka wegore rino, Harare City yakabva pazvikwata zviri pasi asi hazvirevi kuti yapona, ikaita zvekutamba inogona kudzokera kuDivison one kana ikasashandisa mikana wayo zvakasimba.

Gore radarika, maSunshine City Boys, sezita remadunhirirwa reHarare City,  aipenyerera zvikuru muligi achitamba nhabvu inodakadza asi parizvino zvange zvakaiomera zvikuru.

City neBosso masvondo anotevera zvichasangana kaviri ligi risati rapera asi svondo rino ndipo pane basa rose.
Bosso, iyo inorairidzwa naKelvin Kaindu,  haizi kuzorega ichikanganiswa kurwira ligi neCity saka ichatoedza nepainogona kuzvambura chikwata ichi.

Nerimwewo divi, murairidzi weCity, Masimba Dinyero,  achaona kuti vatambi vake varwa semvumba kuti chikwata ichi chirambe chiri  gore rinotevera.

Mitambo
Hwange vs Chapungu
Chicken Inn vs Bantu Rovers
Chiredzi FC vs Shabanie
ZPC Kariba vs Black Rhinos.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>