Uncategorized

Pwere dzoshungurudzwa: Mambo

17 Feb, 2017 - 00:02 0 Views
Pwere dzoshungurudzwa: Mambo

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
MAMBO Mangwende vekwaMurehwa vanoti vari kushushikana zvikuru nekuwanda kuri kuita nyaya dzekumbunyikidzwa kwevanasikana — zvikuru munyaya dzepabonde – mudunhu ravo, izvo zviri kukanganisa raramo yavo pamwe nekuti vatadze kuenderera mberi nedzidzo.

Muhurukuro neKwayedza nguva pfupi yadarika, Mambo Mangwende, VaTichafa Chibanda — vanoti vari kubatana nemapurisa mukurwisa kumbunyikidzwa kwevanasikana ava kuburikidza nekuvapa chenjedzo.

“Nyaya yenzara uye kushairwa mari dzechikoro ndizvo zvatinoona semviro-mviro dzinozoita kuti vana vapedzisire vave kupinda munyaya dzepabonde vasati vabva zera kana kutengesa miviri yavo.

“Gore rapera nerapera paseri, nyaya idzi dzakange dzakawandisa uye vamwe vana vaitopedzisira vave kusiira chikoro panzira nekuda kwekuti vanenge vatove nemimba.

‘‘Izvi zvinopa mutoro mukuru kuzvipatara nekuti vana ivavo havana mari yekunyoresa pamuviri nekudaro vanenge vave kukumbira kuti vabatsirwe pachena,” vanodaro mambo ava.

Vanoenderera mberi vachiti: “Nekuda kwekukura kwedambudziko iri, ini samambo ndinoona zvakakosha kuti tishambadze takabatana nemapurisa ari muchikamu cheVictim Friendly Unit uye masabhuku nemasadunhu kuti tidzidzise vanhu nezvehuipi hwekuti vanasikana vasati vabva zera vapinde munyaya dzepabonde,” vanodaro.

Vanotizve pamwedzi wega-wega vane mikana yekuita misangano nemapurisa nevanhu vemunharaunda vachipanana mazano pamusoro pekurwisa kushungurudzwa kwevanasikana.

Mambo Mangwende vanoti kana vanasikana vakapinda munyaya dzepabonde vasati vabva zera, zvinounza matambudziko akaita sekutapurirwa utachiona hweHIV, pamuviri pasina kurongeka, kusiira chikoro panzira uye kuwanda kwenyaya dzechipfambi.

Nedonzvo rekubatsira vanotambura mudunhu ravo, mambo ava vanoti, vari kuita chirongwa cheZunde raMambo icho chinoyamura vanoshaya nezvekudya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey