Raiva besanwa vana vodzokera kuchikoro

12 May, 2017 - 00:05 0 Views
Raiva besanwa vana  vodzokera kuchikoro

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
VANA vechikoro vanoti vanofara zvikuru nekudzokera kunodzidza temu yechipiri uye vachashanda nesimba kuti vagobudirira. Nemusi weMuvhuro neChipiri svondo rino, Kwayedza yakaita hurukuro nevana vekumabhodhingi akasiyana muguta reHarare avo vakange vodzokera kuzvikoro.

Zvikoro zvakavhurwa nemusi weChipiri.

Vamwe vevana ava vaive kuzviteshi zvemabhazi sekuna Simon Vengai Muzenda (Fourth Street) rank nekuRotten Row uko vaimirira mabhazi ekuvaendesa kuzvikoro zvavo.

SIMBARASHE TSIMBA

Vabereki ndivo vaionekwa vachiendawo kumabhanga kunobhadhara mari dzechikoro.

Vamwe vevana vakayaurwa navo vanoti vanofara kudzokera kuchikoro.

Joshua Kanyenze (13) pamwe nehanzvadzi yake, Nyasha Kanyenze (14) – avo vanodzidza paSt Mathias Tsonzo, kwaMutare, vanoti vanofara kudzokera kuchikoro mushure mezororo.

“Isu takamirira bhazi rekuchikoro kwedu asi tinofara kuti tave kudzokera kuchikoro nekuti kungogara kumba kunopedzisira kwava kubhowa. Temu ino tinoda kunodzidza nesimba kuitira kuti tigobudirira muzvidzidzo zvedu. Takatotangisa kuita zvidzidzo zviri muchirongwa chekuvandudza fundo, cheNew Curriculum, uye chiri kutifambira zvikuru nekuti varairidzi vedu vakadzidziswa nezvacho,” anodaro Joshua uyo ari kuita Form 1.

Nyasha, uyo ari kuita Form 2, anoti havasati vatanga kudzidza nezveNew Curriculum asi anofara zvikuru kuti pachikoro pavo pane midziyo yese inoshandiswa mufundo yakadai seraiburari, makombiyuta, zvimbuzi zvakakwana nezvimwe.

Nyasha Kwashi (14) ari kuita Form 2 paRuya Adventist High, kuMt Darwin, anoti anonzwa manyuku-nyuku nekudzokera kuchikoro asi anoona kuti pane zvimwe zvinoda kugadziriswa munyaya dzedzidzo, zvikuru akatarisana nechikoro chavo.

“Pachikoro chedu ndinoona zvakakosha kuti pave neraiburari ine mabhuku akakwana, makombiyuta uye nyanzvi dzinoona nezvekupangwa kwemazano kuvana. Ndinodaro nekuti vana vechikoro vanokundikana kubudirira mudzidzo yavo nekuda kwekushaya vapangi vemazano sezvo kune vamwe vanoshaya vanovabhadharira mari dzechikoro uye nevanenge vari kurarama neutachiona hweHIV vanoda kutsigirwa zvakanyanya kuti vabudirire mudzidzo yavo,” anodaro.

Tafadzwa Mamvura (16) ari kuita Form 3 pachikoro chimwe chete ichi anoti muzvikoro munofanira kuvewo nezviitiko zvinovatandadza kuitira kuti vafurwe nemhepo kwete kungoita zvemabhuku chete.

“Hongu, chikoro tinochida asi tinodawo kuwana mukana wekutandadzwa kuti tasazofunga kuti kudzidza kunorwadza,” anodaro.

Zvakadai, vamwe vemabhizimisi akadai sevematekisi nevanogera misoro vakawana mikana yekuita mari pamazuva aya.

Vematekisi vaionekwa vachitakura vana nevabereki nemikwende yavo vachivaendesa kuzviteshi zvemabhazi akasiyana muHarare.

Kuchizoti kumabhanga, raive besanwa apo vabereki vakange vakazara vachida kubhadhara mari dzechikoro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey