Raramo inobva kunaMwari

03 Mar, 2017 - 00:03 0 Views

Kwayedza

NDISATI ndabata-bata ichi nechocho, regai ndingobatana nemhuri yeZimbabwe mukukorokotedza mutungamiri wenyika President Mugabe nokusvitsa makore 93 musi wa21 Kukadzi.

Izvi zvinobata-bata Mukwende nokuti ndinoyemura kuti gore rimwe nerimwe Mwari vanongoita kuda kwavo kupa President Mugabe mumwe mukana wokurarama. Iye mupi woupenyu ndiye anoziva kuti anopirei vanhu nguva dzakasiyana dzokurarama.

Tinopihwa nguva yokurarama yakasiyana nokuti Mwari anenge akatara zviga zvakasiyana muupenyu hwedu.

Ndosaka Mukwende achishamiswa navamwe vanhu vanongoti kana President Mugabe vakangofamba kana kuenda pazororo bedzi, ivo votanga kunyora nekushambadza mashoko emanyepo. Ndimi Mwari here vanhu imi?

Vamhu vanotadza kuziva kuti upenyu hurefu mucherechedzo werudo rwaMwari, kwete kunaPresident chete, asi kunesu tose. Zuva rimwe nerimwe ratinorarama, inyasha, uyewo mukana wokuti tiite zvinofadza Mwari.

Musi weChipiri svondo rapera kune vamwe vakagumbuka vachiti VaMugabe vakasvitsirei makore 93, uyewo kuti pamusana pei vachiri pachigaro?

Ndopaunozoona kuti pasi pemusuva wesadza pane mavhu nemarara nemakorwa chete.

Vanenge vachihwanda nemunhu anopihwa chipo choupenyu, vachitadza kukumbirawo kuti dai kurudzi kwavo vakavekowo vanopihwa ndaramo yakadaro, kusanganisira naivo. Vanohwanda namakore aPresident nokuti chinangwa chavo ndechokuti vabve pachigaro zvechisimba.

Ndosaka vachiti pane chese chaipa munyika, voti mutungamiri wenyika. Vamwe vanototinyepera kuti kubva muna 1980 vachitanga kutonga nyika, hapana zvavakaita, kuri kunakidzwa nokudzokorora manyepo. Manje tava kukuzivai, manyepo enyu haasi matsva!

Vanhu vachiudzwa kuti nyika ichawana mvura ine mwero wakanaka, kunyange zvazvo kwaitarisirwa mafashamu, kune vamwe, vaiti ndezvokutinyepera. Nokudaro, vakatadza kurima. Kana muriwo womumhodzi chaiwo havana. Nhasi vave kukungura!

Mvura ichinaya zvokunaya zviye, waitonzwa vave kugunun’una kuti yawandisa. Shavi renhamo ndozvarinoita.

Asi vakachenjera, vakati kan’anga kanyepi, katevedzerwi, nokudaro vari kutarisira kohwa pakuru chaiyo.

Saka vamwe vachiita makorokoto kumutungamiri wenyika, kune vamwe vanenge vachitsvaga mhosva chete. Hazvishamisi kuti vanonenedzerwa kuti mamiriro okunze azodai pamusana pei.

Ndatenderera kunge munhu anofamba nenzira yomumakomo, asi nzira chaiyo iripo. Pane mvura hobvu yakanaya kupera kwesvondo radarika, mvura yaive nemhepo, ichibva nemugungwa reIndian Ocean, heyo yopinda muMozambique, South Africa zvese neZimbabwe. Yaive nezita – Cyclone Dineo!

Imvura yakaparadza munzvimbo dzakafanana neTsholotsho kuMatabeleland North nemudunhu reMidlands. Kutaura kudai, kuTsholotsho vari mumvura, zvokuti vamwe vari kutozobatsirwa neAir Force of Zimbabwe, nebazi reCivil Protection Union.

Gwanza rakatorwa nemvura iyi kubva muMozambique rakasanduka kubva pane zvakange zvatanga kutaurwa, saka panze pokungonenedzera, vana mazvikokota kuMeteorological Services Department, nokumapazi anodzidzisisa Geography kumaunivhesiti edu ngavatiudze kuti chii chakazoitika.

Chimwewo chatinobvunza ndechokuti sei zvichiita kunge vanhu vakasvikirwa nemvura yakawanda kudai vakavarairwa? Mashoko eyambiro akambosvikawo here kwavari, kusanganisira matunhu ese munyika, nokuti zvakaitika, hazvaisafanirwa kuitika kana vakange vapihwa dzidziso neyambiro?

Mvura iyi yakaparadzawo migwagwa nemazambuko. Kujenga kwakaita mvura, zvorevawo kuti inzara kwakanaya.

Sezvakaitika panyaya yedhamhu reTokwe-Mukosi, vanhu vari munharaunda dzakaderera vatove kuda kutsvagirwa dzimwe nzvimbo dzokugara, uyewo vanoda chikafu nezvokushandisa.

Mhuri yeZimbabwe yakazviona, uyewo yave kunzwisisa kuti nhamo yomumwe ndeyavo, saka pazvishoma kana zvizhinji zvavainazvo, vachakwanisa kutambanudza mawoko, mwoyo yakasununguka vobatsira vose vari mudambudziko iri.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey