Red Cross yovheneka zvirwere

01 Sep, 2017 - 00:09 0 Views
Red Cross yovheneka zvirwere

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
SANGANO reZimbabwe Red Cross Society (ZRCS) svondo rapera rakabatsira mazana nemazana evanhu kuti vazive pavamire kuburikidza nekuvavheneka zvirwere zvakasiyana kuHarare Agricultural Show.

Sangano iri rinogaroita chirongwa ichi gore negore senzira yekubatsira veruzhinji munyaya dzeutano. Musi uyu veruzhinji vakawana mukana wekuvhenekwa zvirwere zvakadai seshuga, HIV, syphilis, BP, huremu hwemuviri pamwe nekupangwa mazano.

Vashandi veZRCS, avo vasina kuda kudurwa mazita avo nekuda kwemutemo wavo webasa, vanoti vakabatsira vanhu vakawanda zvikuru.

“Pano tiri kuvheneka HIV, BP, syphilis nekuona kuti huremu hwemunhu hunoenderana here nemakore ake ekuberekwa uye hurefu hwake yatinoti Body Mass Index (BMI).

“Huremu hwemunhu hunotaura zvakawanda maringe neutano hwake saka tinobva tanyorera munhu magwaro ekuti ange achinobatsirwa kuzvipatara kana tichinge taona paine dambudziko,” anodaro mumwe mudzimai uyo ainyora vanhu vaibatsirwa mubhuku.

Anoenderera mberi achiti, “Tinofara zvikuru nekubatsira kwatiri kuita vanhu pachena nekuti tadzidzawo kuti munyika mune vanhu vakawanda vari kurarama vasingazive pavamire asi nekuda kwemukana watavapa uyu vazhinji vatoenda vave kuziva kuti vane chirwere cheBP kana shuga asi pese apa vakanga vari kurarama vari murima. Zvirwere zvakadai zvinouraya chinyararire nekuti hazvina zviratidzo zviri pachena.

“Kana vanhu vakaziva kuti vane dambudziko muutano hwavo zvinobatsira kuti vakasike kurapwa kuti vagorarama kwenguva ndefu.”

Sangano reZRCS rakavambwa muna 1981 uye rinoita mabasa etsitsi anosanganisira kubatsira munguva yenjodzi yakadai seapo vanhu vanenge vasangana nenjodzi yemafashamu nekudzidzisa vakoti.

Share This:

Sponsored Links