Redknapp otsvaga basa

27 Feb, 2015 - 00:02 0 Views
Redknapp otsvaga basa

Kwayedza

harry
HARRY Redknapp anoti achange asimba zvekutanga kurairidza nhabvu mwaka unotevera. Redknapp, uyo akarairidza Queens Park Rangers kwemakore maviri, akasiya basa mwedzi uno sezvo ange achishushikana nemabvi ake.Asi shasha iyi, iyo yakamborairidza West Ham, Portsmouth neTottenham inoti dambudziko remabvi iri richagadziriswa munguva inotevera uye achatanga kutsvaga chimwe chikwata chekurairidza kana asimba.

“Ndichange ndichitsvaga basa mwaka unotevera wenhabvu,” Redknapp akaudza Sky Sports News.

“Kana ligi rapera zvikwata zvave kumbozorora ndichange ndave kutsvaga kumwe kwekushandira nekuti ndizvo zvandinodisisa. Handina zvimwe zvekuita muhupenyu hwangu.

Handina chandinenge ndichiita kumba, nhabvu ndiyo yandinodisa.

Ndichiri kunzwa kuti ndinogona kubata basa guru mumutambo uyu.

“Mabvi angu achagadzikana mumasvondo anotevera zvekuti ndichange ndave kukwanisa kutanga basa patsva, ndiri kutarisira zvakanyanya kudzoka munhabvu,” akadaro.

Tim Sherwood ndiye aitarisirwa zvikuru kutsiva Redknapp kuQPR asi zvakazoshamisa vazhinji nekuti basa iri rakapihwa Chris Ramsey, uyo acharairidza kusvika pakupera kwemwaka wegore rino.

“Zvinoshamisa zvikuru, ndochokwadi,” Redknapp akadaro. “Zvinhu zvekuti zvakashamisa kana vatsigiri venhabvu vari kunze.

“Kwandiri ndakabvako, ndaifunga kuti zvimwe basa iri richapihwa munhu ari muchikwata nakare saka mukana wake kushanda muchikwata chemuPremier League”.

QPR ine mitambo yeLondon Derby mitatu yakatevedzana, ichasangana neArsenal, Tottenham uye neCrystal Palace – asi Redknapp anoti chikwata ichi chakasimba zvekuramba chiri muPremier League gore rinotevera.

Akawedzera, “Pasi uko (kweligi) kwakaipa uye ndinofunga kuti QPR ine mukana wekupona sezvimwe zvikwata zviri pasi saiyo”. – Sky Sports news

Share This:

Sponsored Links